Vana shasha vakakumba mibairo

VANA shasha muzvidzidzo pamwe nemitambo vekudunhu reWarren Park-Mabelreign, muHarare vakapembedzwa apo vakapihwa mibairo pamabiko akaitwa svondo rapera. Vachitaura pachiitiko ichi, mutevedzeri wevakafanobata chigaro chemukuru wedzidzo mupurovhinzi yeHarare, avo vaive muenzi anoremekedzwa, Mai Joyce Maphosa, vakakomekedza vana vechikoro, kunyanya vasikana, kuti vakoshese dzidzo.

Vakati kusiyana nekare apo madzimai aitarisirwa kugara mudzimba achisununguka vana, dzidzo yakaunza shanduko huru muupenyu hwavo sezvo vanhukadzi vave kuwaniswa mikana yakaenzana nevanhurume.

Mai Maphosa vakati dzidzo yakakoshera zvizhinji sekurodza njere pamwe nekuti vanhu vave nekutsungirira nekuve negwara pane zvose zvavanoita.

“Vana vechikoro ndapota shandai nesimba, onai mukana wakavhurwa nekuuya kwedzidzo. Vanasikana mave nemamwe mabasa amunotarisirwa kuita kusiyana nekufunga kuti muchange muchisununguka vana muri mudzimba, dzidzo yakakunakirai,” vakadaro Mai Maphosa.

Vakati bazi ravo riri kushingaira kuti riumbe vana vakazara kuburikidza nekuvapakurira zvidzidzo zvakaita semabasa emawoko nemakombiyuta, kusiyana nekare apo vana vaishanda nesimba kuti vapase zvidzidzo zvakaita semasvomhu nechiRungu.

“Shandai nesimba muchiita mabasa amunoda nekuti dzidzo haisisina kunangana nezvidzidzo zvakadai sesainzi kana svomhu. Kwenenzverai matarenda enyu nekuti dzidzo yamave kupakurirwa yakatambanuka zvikuru zvichazobatsirawo pakusimudzira nyika ino ramangwana. Tinoda michina yakagadzirwa muno yakanyorwa kuti, ‘Made in Zimbabwe’,” vakadaro Mai Maphosa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×