Nyasha Chabvonga
MUMWE murume anoti mukadzi wake anomushandisira mishonga yakaipa uye zuva nezuva anomuka piro yake izere nemidzi yemishonga.
Cleopas Motsi akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemukadzi wake, Chiedza Motsi, uyo aiti anomushungurudza.
Chiedza akati Cleopas anomutadzisazve kuita basa rake remawoko rekusona iro rinomuraramisa.
Cleopas akapokana nemashoko aChiedza achiti mukadzi wake ndiye anomushungurudza zvikuru pamwe nevana vemumwe mudzimai wake achimurova nekumutukirira.
“Changamire, ini ndini ndingadai ndiri kutsvaga dziviriro kubva kumukadzi uyu nokuti ndiye anondishungurudza zvose nevana vangu vemumwe mukadzi.
“Mumwe mwana wangu atova kugara mumugwagwa kuBulawayo nekuda kwekushungurudzwa.
“Mudzimai wangu anokutsirana nevana vake vatatu vakomana kundirova pamwe nekundituka,” akadaro.
Akati kunze kwazvo, Chiedza anomushandisira mishonga yakaipa.
“Mukadzi wangu wandikona. Unoshandisira juju, une n’anga yako yekuMufakose (muHarare) uye ndinomuka mazuva mazhinji chitsamiro (piro) changu chakazara mishonga yandisinganzwisisi kuti mishonga yei,” akadaro Cleopas
Mutongi Barbra Mateko akapa dziviriro kuna Chiedza.




