Makwikwi eAfrican Woman of the Year

Munyori weKwayedza
VANHUKADZI hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year. Tumirai mifananidzo yenyu makapfeka mbatya dzezvipfeko zvemuAfrica (African attire) kuKwayedza, bepanhau revanhu, kuti muve nemukana wekuhwinha mibairo inosanganisira zvitofu, mazakwatira emari pamwe chete nemachira ekusonesa zvimwe zvipfeko. Mifananidzo iyi ngaiperekedzwe nefomu rinenge rachekwa kubva muKwayedza.

Musakanganwe kupedzisa mutsara uri pafomu iri uye kuisa zita renyu, nhamba dzepamunogara pamwe chete nedzenhare. Zvakawanda nezvemakwikwi aya onai sekushambadzwa kwazvakaitwa pazasi. Mifananidzo inotumirwa ichaburitswa muKwayedza svondo rega-rega dakara tasvika pakuhwinwa kwemibairo gore rino.

Madzimai pindai mumakwikwi aya muhwine!

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *