Voshandisa Facebook kudzidzisana hutano

RIMWE sangano rinomiririra vechidiki roshandisa dandemutande reFacebook mukuvapa dzidziso pamusoro peHIV neAids pamwe nenyaya dzepabonde kuitira kuti vave neremangwana rakajeka. Safeguard Young People (SYP) isangano rinowana rubatsiro rwemari kubva kuSwiss Agency for International Development and Co-operation. MuAfrica vanoshandira muZimbabwe, Malawi, Namibia, Lesotho, Botswana, Swaziland, South Africa neZambia.

Donzvo ravo riri rekuti vechidiki vane makore gumi kusvika makumi maviri nemana vange vave pachinhanho chiri nani patinosvika gore ra2019.

Takatarisa imwe yemakiriniki avanobata vari yeBota iri kumaMasvingo pava neshanduko pakunzwisisa njodzi dzepabonde uye vechidiki ndivo vanoshanda nevezera ravo kuitira kuti vasanyare kuuya kukiriniki.

Bota ine kamuri inomiririra vechidiki iyo inonzi Youth Friendly Corner.

Vechidiki vakadzidzira basa iri ndivo vanotaura nevamwe vavo mune zvavangade kuziva.

PaBota pane vanonzi muchiRungu peer counsellors vakamirira vechidiki vega. Ava vechidiki vanosvika vana uye ndivo vanodzikamisa munhu kuti asatye pane zvingabude kana atorwa ropa. Vanodzikamisa munhu vasati vamuudza zvawanikwa muongororo.

“Kana munhu achinge auya achida kubatsirwa, anotanga ataurwa naye nevakadzidzira basa iri uye vari vechidiki saiye. Pazuva, vanhu vanosvika makumi maviri vanove vechidiki vanouya kuBota uye vose vanobatsirwa pachena,” akadaro Benjamin Chikuni anove mumwe weboka rinoona nezvehutano paBota.

Chikuni anoti vechidiki vanoshandira paBota vava neruremekedzo sezvo vasingashambadze zvabuda.

“Harisi basa redu kushambadza zvabuda naizvozvo vanhu vava kuvimba nesu uye vechidiki havachatyi kuti ndikawanikwa ndiine utachiona dunhu rese haringazivi here. Hatidaro chedu kupa zivo, utano nekuve hama dzemunhu anenge achida rubatsiro rwedu,” akadaro Chikuni.

SYP inokoshesha kodzero dzemunhu, kupa zivo izere yehutano, kupa ruyamuro rungadiwe uye kuti munhu ave neramangwana rakajeka.

Vashandi vepaBota vakaenda kunodzidziswa kuburikidza neIntegrated Support Programme (ISP) uko vakapihwa mbozhanhare dzekushandisa pabasa ravo.

“Vamwe vainge vasati vamboona foni dzemhando yepamusoro kudai uye vaisaziva nezveInternet naizvozvo vakadzidziswa kuti vanogona kuita mapoka anokurukura nhau dzehutano uye boka rega-rega rinozvimiririra,” akadaro Jephiter Tsamwi wesangano reSAYWHAT rinoshanda neSYP.

“Takaona kuti Facebook yaizorerutsa ndima panhau iyoyi naizvozvo vechidiki vekuBota vanove mapeer counsellors vakadzidziswa. Nhasi uno vanowana ruzivo ruzere zvimwe vachibvunza uye zvavasingazive vachitsvaga padandemutande.”

Zvirwere zvepabonde zvinonziwo zvadzikira munharaunda iyi uye vanhu vakawanda vave kuda kuziva mamiriro avo maringe neHIV nekuda kwedzidziso iri kupihwa nevechidiki ava.

“Zvirwere zvepabonde zvadzikira, vanhu vazhinji vave kuongororwa ropa uye vanoda kuwana pekutandarira vachidzidzisana chingave chikoro chaicho vanouya kuBota Youth Friendly Corner,” akadaro Chikuni.

Chikuni anoti kune kushungurudzwa kwakanyanya kunoitika mudzimba naizvozvo vechidiki vave nasahwira wekutaurira. “Mumisha yatinogara mune mhirizhonga, vamwe vanorohwa, kushungurudzwa mupfungwa, kutukwa uye vamwe ndevanenge vabhinywa asi vanhu vave kuziva kuti hazvifaniri kudaro naizvozvo vanouya kuzowana rubatsiro toshanda pamwe chete,” akadaro Chikuni.

Mugore ra2014, vechidiki vaive paFacebook vachizeya nhau dzehutano mumapoka akaparurwa neBota aya vaisvika 5 600 asi muna 2015 vakanga vava 8 000 uye zuva rega-rega vachiwana vamwe vatsva vaipindawo mumapoka aya.

Tazvionera kuti Facebook inokwanisa kupa pundutso ikashandiswa nemazvo.

Wenyu:[email protected]

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×