Makwishu kuBrazil

ACHANGE ari makwishu svondo rino kuBrazil uko kuri kutambirwa mutambo weFIFA World Cup apo zvikwata zvisere zvasara mumutambo uyu zvichange zvichibandana muquarter-final.
Zvikwata zvasara zvese zvine mukana wekuhwina mukombe uyu saka zvinoziva kuti zvinofanirwa kukwidziridza masokisi azvo kuti zvigohwina.

Mumitambo iriko svondo rino kutanga musi weChishanu uchaona France ichisangana neGermany kunhandare yeMaracana kuRio de Janeiro kozoti mumutambo wechipiri  Brazil ichasangana neColombia uyo uchange uchinzi  “The Battle of South America”.

Musi weMugovera,  zvikwata zviviri zviri kutamba nhabvu inodakadza, Belgium neArgentina, zvichasangana uye zvine vatambi vane mukurumbira asi chimwe chichadzokera kumusha musi uyu mushure mekukundwa.

Mumutambo wechipiri uchatambwa musi weMugovera  Costa Rica, iyo yashamisa zvikwata zvakawanda nekusvika kwayaita muquarter-final, ichitamba neNetherlands.

Mitambo miviri iriko svondo rino inogona kufarirwa nevatsigiri venhabvu pasi rese ndeiyi inoti:
France vs Germany
Brazil vs Colombia

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×