Zim yonanga Cyprus

CHIKWATA cheBeach Volleyball chenyika chevakomana muboka reUnder-21 chiri kutarisirwa kuenda kuCyprus uko chichanokwikwidza kumutambo weWorld Under-21 Beach Volleyball Championship.
Mutambo uyu uchatanga musi waChikunguru 23 kusvika 27 uine zvikwata zvakawanda zvichabva kunyika dzakasiyana.

Chikwata cheZimbabwe ndechevakomana vaviri vanoti Keith Emmerson Machakaire anodzidza paChurchill Boys High naDouglas Rufaro Choto uyo aidzidza paCornway College uye murairidzi wavo ndiNyashadzashe Takawira.
Vakomana vaviri ava parizvino vari kuita gadziriro dzavo paMachipisa Grounds apo vanosangana pakupera kwesvondo rega-rega.

Nhengo yeZimbabwe Volleyball Association, Sibanga Mashasha, anoti vatambi vaviri ava vari kuvapa rutsigirwo rwakakwana kuti vagoenda kuCyprus kunohwina mutambo uyu.
Anoti vatambi ava vane tarenda rinodadisa zvikuru.

“Chikwata chedu ichi tiri kuda chaizvo kuti chiende kuCyprus chinohwina mwedzi uno uko kuchange kuchitambirwa mutambo weU-21 World Beach Volleyball World Championship.

“Zvakakosha chaizvo kuti vanohwina sezvo zvichibatsira kusimudza mureza wenyika yedu.
“Parizvino vari kuita gadziriro dzavo svondo rega-rega apo vanosangana kwaMachipisa Grounds uko kunotambirwa mutambo webeach volleyball.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×