Mambo Chundu vokurudzira kusimbaradzwa kwemadiridziro

Kingstone Mapupu

MAMBO CHUNDU, VaAbel Mbasera, vekuHurungwe, kuMashonaland West, vokurudzira kusimbaradzwa kwemadiridziro uye kushandiswa kwawo kuzere kuti nyika iwane maguta zvichitevera kushanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Vanoti Hurungwe nemamwe matunhu akatsaukana-tsaukana munyika anonaya mvura shoma kana yakawanda, izvo zvave kuda kuti varimi vagare vakagadzirira nguva dzose.

“Semadzimambo, zvakare tichimirira Hurumende yedu yeZimbabwe kwese kwatiri, inyaya inorwadza kuona kuti kune vamwe vanoshaya chikafu chinokwanirana isu tiine ivhu nemvura inongova machakwi pasi pevhu nemumadhamu.

“Saka ngatitsvagei nzira dzekushandisa mvura iyi mumadiridziro nekuvandudza madhamu edu akazara jecha, uyewo kuvandudza zvibhorani zvedu zvakare.

“Pamusoro pezvo, tinofanirwa kuenderera mberi nekuvaka madhamu matsva uye kuchera zvibhorani zvitsva,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti nokuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze pasi rino, kusanganisira nyika dzekuchamhembe kweAfrica, zvakanaka kushandisa nzira dzechizvinozvino dzokurima, dzakadai semadiridziro.

“Mukatarisa makore mashanu kusvika gumi adarika, nyika yedu nedzimwe dzakatikomberedza dzakasangana nematambudziko emafashamu nedutumupengo rakaparadza zvinhu zvakasiyana-siyana nekuuraya vanhu.

“Asi kumwe kwacho mvura yekunaya yave shoma zvikuru, saka zvakanaka kushandisa madiridziro,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanokurudzira kucherwa kwezvibhorani zvinoshandisa moto wemagetsi ane simba rinobva muzuva.

“Nenzira yemadiridziro, tinorima gore rose, zhizha nechirimo, tokohwa pakuru, kurevawo kuti mari inowanda muhomwe dzedu, matura opfachukira, matunhu edu ova nebudiriro inoraudzira,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti dunhu ravo rinozivikanwa nekurima kwakanyanya, nokudaro tarisiro yavo ndeyokuti mabasa ekurima aya asimbaradzwe kuburikidza nekusimudzirwa kwemadiridziro.

“Kurima kwemadiridziro kunowanisawo vanhu mabasa, pasina anosara kumashure, kureva kuti murimi anowana mari. Kudhakwa chaiko nguva yacho haumboiwani, saka ngatitorei vechidiki, vashande muminda yedu yemadiridziro,” vanodaro Mambo Chundu.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *