Munyori weKwayedza
MAMBO Nyamweda vekuMhondoro vashaya mambakwedza anhasi apo vainge vari munzira kuendeswa kuchipatara cheNorton mushure mekunge vatanga kurwara husiku hwadarika.
VaClaudious Mandaza, avo vange vari Mambo Nyamweda, vanonzi vange vagara vaine dambudziko rechirwere cheshuga.
VaTito Nyamweda (48), vanove muzukuru wemushakabvu, vanotsinhira nezvekufa kwamambo ava.
“Mambo Nyamweda vakangotanga kurwara husiku hwemusi weChitatu vari kumba kwavo kwaNyamweda ndokuzotakurwa mambakwedza anhasi China voendeswa kuchipatara cheNorton apo vazoshaika vasati vabatsirwa,” vanodaro.
Rufu rwaMambo Nyamweda rwunotevera rwaMambo Mashayamombe, VaIgnatius Chiketa Kanengoni, vemudunhu reMhondoro zvakare avo vakashaya masvondo maviri adarika.
Mambo Mashayamombe vakashaya kuchipatara cheNorton Hospital mushure mekunge vaita dambudziko rekutadza kufema zvakanaka.
Zvakawanda zvichaziviswa nekufamba kwenguva.




