Kingstone Mapupu
KANZURU yeguta reHarare inoti yatarisana nedambudziko guru rekushomeka kwevashandi vanochera makuva zvichitevera kufa kuri kuita vanhu vakawanda nechirwere cheCovid19 izvo zvava kunonotsa kuvigwa kwezvitunha.
Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende, vanoti kanzuru yavo yakaita hurukuro nemakambani anoviga vashakabvu ndokuwirirana kuti abatsire pakucherwa kwemakuva.
“Sekanzuru yeHarare, tashomekerwa zvikuru nevashandi vanochera makuva vatinoti ma’grave diggers’. Mukanzuru yeHarare, tinongova nevashandi ava vanokwana 80 chete avo vanoita basa iri vachishanda muzvikamu zviviri (shift).
“Pamashifiti maviri aya, vanokamurana kuita 40 pachikamu munhu mumwe chete achipihwa mugwazo wekuchera guva pamazuva maviri,” vanodaro VaRuwende.
Vanoenderera mberi vachiti, “Denda reCovid-19 risati ravapo gore rakapera paseri muna2019 zvichidzoka kumashure, dambudziko iri raisavapo. Panguva iyi vashandi vedu vaichera makuva 18 pazuva ayo aikwana kuviga mitumbi yose yaiunzwa kumakuva edu.
“Izvozvi kuti tifambirane nemakuva ari kudiwa, tiri kufanirwa kuchera makuva ari pakati pemakumi maviri kusvika makumi matatu pazuva rimwe chete.”
Vanoti kanzuru yeHarare yakaita hurukuro nemakambani anoviga vafi seNyaradzo Funeral Services neDoves ndokuwirirana kuti vabatsirane kuchera makuva aya.
“Sekanzuru, tine nhaurirano yatakaita nekambani yeNyaradzo Funeral Services, Doves nemamwe anoviga vafi kuti vabatsire nekuchera makuva tikabvumirana. Kureva kuti makambani aya achatipa vashandi vawo vachibatsirana nevashandi vedu kuchera makuva kuti tifambirane nemafiro ari kuita vanhu kuti zvitunha zvivigwe nenguva uye ndufu dzorega kugarisa sezvinodiwa nemutemo wekurwisa Covid-19,” vanodaro VaRuwende.
Kanzuru yeHarare ine nzvimbo nhatu dzinovigwa vafi dzinoti Glenville Cemetery kunozivikanwa nekuti kuMbudzi, Warren Hills Cemetery nemakuva ekuMabvuku.
“Fungai kuti vashandi 80 ava ndivo vanotenderera kunzvimbo nhatu idzi vachichera makuva,” vanodaro VaRuwende.
Vakatendawo Hurumende nekupa kwayakaita kanzuru yeHarare imwe nzvimbo yekuviga vafi kupurazi reEye Stone iyo isati yave kushandiswa pari zvino.
“Nzvimbo yatakapihwa iyi yakakura zvikuru iyo tisati tave kushandisa. Zvose zvinodiwa kuti itange kushanda zviri kuitwa, kureva kuti nzvimbo dzekuchera makuva tinadzo,” vanodaro VaRuwende.




