A-LEVEL — MASIMBA: Lindiwe asungirwa kuuraya kasvava

“Dai Ndakaziva haitungamiri” naMapira Silitha (79-91)
NYAYA YACHO (Enderero mberi):

Zvekuenda kuhotera zviya zvakabva zvangoti mbombombo VaChihombori vava kuti chishanu choga-choga kuenda kuGweru kwaishandira mudzimai wavo. Lindiwe anoona kuti ainge azvikanganisira zvikuru, VaChihombori ndokubuda pachena kuti havaizoramba mukadzi wavo nepamusana pepfambi yepakoreji. Chakagona kuitwa nemurume uyu kutaura kuti aizobatsira kuchengeta mwana chete.

Nerimwe zuva anopepuka pakati pehusiku anzwa kurwadzirwa nemusana uye mudumbu izvo, semunhu ainge ambozvara, zvakaita kuti abve aziva kuti nguva yekusungunguka yainge yasvika. Anobuda mumba maairara chinyararire kuti pasawane anonzwa.

Aenda kuseri kwechimbudzi, anobva azvara mwana waakada kukanda muchimbudzi asi ndokuchera gomba kwava kumonya nekuviga mwanakomana wake.

Anopinda mubhavhu kwava kugeza ndokuzoenda kunorara. Ndipo paanoyeuka musikana waaigara naye uyo anoratidza kunyumwa.

Mangwana acho anotadza kuenda kuzvidzidzo nekurwadziwa. Anotaurira musikana waaigara naye kuti musoro wake wainge uchibanda. Manheru emusi uyu anogamuchira tsamba inobva kuna David ichiti aizouya kupera kwemwedzi uyu izvo zvinomuchemedza.

Chifumi chamangwana Lindiwe anogona kuenda kuzvidzidzo. Nenguva pfumbamwe mukuru wechikoro anodedzera musangano wechimbichimbi wavadzidzi vose vechikadzi uyo pana matironi nemukadzi aitsvaira dzimba dzevadzidzi vechikadzi, vose vachiratidza kusuwa kukuru.

Panobva pasviki jipi yemapurisa ichimhanya kwazvo ndokubva mabuda mapurisa anoita kuti vanhu vatange kukwenyana vachinongedzera nekudzvokora Lindiwe.

Mapurisa anombotaura nemukuru wechikoro matironi nemukadzi wekutsvaira, vaviri avo ndokumhanyisa jipi vakananga kudzimba dzevadzidzi vechikadzi vachisiya mumwe mupurisa wechikadzi akashatirwa chaizvo achipopota achida kuziva mhondi yainge yauraya kacheche kwava kukafushira mugomba.

Pashaikwa abvuma mhosva, anotaurira vadzidzi kuti vaite mutsetse miviri vachipinda muhofisi yemukuru wechikoro neyemunyori mukuru. Mapurisa aya anodzoka nechitunha chekacheche chakabatwa namatironi vachisvimha misodzi. Vadzidzi vechikadzi vanosvinwa mazamu, mupurisa wechirume ndokusara akamira pamotokari kuitira anoda kutiza.

Lindiwe paanosvinwa mazamu mukaka unobva vati tsati kuzadza maziso emupurisa ndokubva dzamuchenera.

Mai Toga vanoenda pamotokari yemapurisa vachida kuperekedza mumwe wavo asi vanorambidzwa. Lindiwe anongokwanisa kuvabata ruwoko ndokuitetsura mhere achiti, “Dai ndakaziva kani mhai-, mha-a-i.” Vanhu vanoramba vakatarisa jipi ichienda dakara yapota seri kwechuru.

ONGORORO:

Musoro wekanyaya aka unonyatsa kuti gedye kuwirirana nezviri kuitika zvekuti muverengi hazvimunetsi kuunzwisisa. Dai Lindiwe akaziva angadai asina kuita zvinotevera.

a) Anodai asina kudanana naVaChihombiro.

b) Anodai asina kuterera zvaSusan.

c) Anodai akaterera yambiro yaainge achida kupihwa naAmai Toga.

Asi zvino yainge yadeuka, haaigona kudyorera mvura yange yarasika.

Kudimikira kwashandiswa zvebasa zviya izvi. Tichingotanga kuverenga tinosangana nayo inoratidza runako rwaLindiwe.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×