MAONERO EDU: Bvisai mbavha muzvikoro zvedu

ONGORORO yakaitwa neHurumende pamusoro pemashandisirwo ari kuitwa mari inobhadharirwa vana vechikoro nevabereki vavo, yelevy, inoratidza kuti muzvimwe zvikoro mari iyi iri kushandiswa mumabasa asinei nebudiriro yedzidzo.

Zvakabuda muongororo iyi kuti pamari inosvika $1,2 bhiriyoni yakabhadharwa selevy muzvikoro zveHurumende nezviri pasi pemakereke, chidimbu chayo chakashandiswa nenzira isiri iyo.

Izvi zvinorovesa hana nekuda kwehuwandu hwemari inonzi iri kushandiswa zvine huwori mukati iyi.

Zvakabuda zvakare mutsvakurudzo iyi kuti zvimwe zvezvikoro izvi zvave nemakore anodarika 20 pasina kuitwa ongororo yemashandisiro azviri kuita mari iri kubhadharwa nevabereki.

Aiwaka, pane nyaya apa! Hongu, sekutaura kwegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari – Dr Lazarus Dokora – vashandi vakadzidzira basa rekuongorora mashandisirwo emari muzvikoro vashoma, asi izvi handizvo zvingaita kuti kupere makore 20 ongororo yemabhuku echikoro isati yaitwa.

Tinodaro nekuti vamwe vakuru vezvikoro inhubu dzinotora mukana uyu kushandisa mari yechikoro zvavanoda vachinyatsoziva kuti kwakafura madembo. Izvi zvinoreva zvakare kuti mukuru wechikoro anogona kushandisa mari yelevy zvisiri izvo agosvika pakubva pachikoro ichocho pasina ongororo inenge yaitwa nekuda kwemamiriro ezvinhu aya.

Zvakakosha kuti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rive nevashandi vakadzidzira basa rekuongorora mashandisirwo emari. Zvekare, zvikoro zvose ngazviongororwe mashandisiro azviri kuita mari.

Tinodaro nekuti mari inobhadharwa vashandi vakadai ava ishoma zvikuru kana zvichienzaniswa nemari inonzi iri kuzobiwa kuburikidza nehuwori.

Huwori huri kuitwa muzvikoro uhu hunosanganisira kuwedzera mutengo wezvinhu uye chitsotsi chekushandisa marisiti ane chekuita nemari maviri maviri. Semuenzaniso, chimwe chikoro chiri muHarare chinonzi chinoti chakatenga bhazi ne$180 000 asi mutengo waro usingadariki $100 000.

Izvi zvinoreva kuti $80 000 – iyo inove mari yakawanda zvikuru – yakatsakatika. Pachikoro cheSeke 1 High, kuChitungwiza, semuenzaniso, ongororo yakaitwa nehofisi yaAuditor-General inoratidza kuti $53 000 yakashandiswa zvisiri izvo.

Bhazi repachikoro ichi rinonzi rakavandudzwa ne$27 000 asi zvakazobuda muongororo iyi kuti mari yakashandiswa mubasa iri yaive $8 000.

Kureva kuti imwe $19 000 hapana anoziva kuti yakaendepi.

Kwete, huwori hwakadai hwazonyanya uye chishuwo chedu kuti wose anobatwa nemhosva yekushandisa mari yechikoro zvisiri izvo arangwe nemutemo zvakaomarara.

Vabereki vari kutambura kuti vabvise mari dzelevy nefizi nekuda kwemamiriro akaita nyaya dzeupfumi hwenyika asi mumwe ndipo pootora mukana uyu kuba?

Vanoda mari yechikoro ngavatenherwe mumajeri.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×