Vanoshanda neveruzhinji ngavaite basa ravo nemazvo: nassa

SANGANO rakazvimirira reNational Association of Social Workers rinoti zvakakosha kuti vanoshanda neveruzhinji munharaunda dzakasiyana vaite basa ravo nemazvo, zvikuru nechinangwa chekusimudzira nyaya dzeutano munyika.

Vachitaura nevatori venhau muguta reHarare nguva yadarika, mukuru wesangano iri VaArron Zinyanya vanoti chishuwo chavo chekuti vanoita basa iri vave nemucherechedzo wakanaka.

Vanoti vanoshanda neruzhinji ava (social workers) vakakosha nekuti vanopanga mazano akasiyana zvakaita sekuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV pamwe nevakaremara mitezo.

Izvi, vanodaro VaZinyanya, zvinobatsira mukusimudzira nyaya dzeutano munyika.

Vanoti vari kushanda pamwe chete nemakoreji nemayunivhesiti anofundisa vadzidzi vanozoshanda neveruzhinji nedonzvo rekuvandudza zvidzidzo izvi.

VaZinyanya vanoti vane mapoka anofamba mumisha nemukambani achikusha mashoko echenjedzo pamusoro pekuchengetedza utano nezvimwe.

“Chatiri kuda kuzadzisa ndechekuti vanhu vanzwisise donzvo redu, tiripo pakuvandudza ruzivo maererano nekodzero dzevanhu pane zvinosanganisira nyaya dzeutano nekugarisana kwevanhu munyika zvakanaka zvine runyararo.

“Munharaunda tiri kubatawo zvakare zvirongwa zvekupanga mazano maereano nekodzero dzeutano hwevana sezvo vamwe vechidiki vanowanikwa vachitora zvinodhaka.

‘‘Tinovapanga mazano ekuvavaka hupenyu hwakanaka kuitira kuti vatange mabhindauko ekuti vawane chouviri vasagarira mawoko kana kuita mabasa asina kunaka,” vanodaro.

Vanoti vari kushandawo nemasangano akasiyana anobatsira vakaremara mitezo nedonzvo rekusimudzira raramo yavo.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×