MAONERO EDU: Cancer: Varwere vanoda rubatsiro

CHIRWERE chegomarara chiri kutambudza vanhu vakawanda zvikuru mazuva ano uye ndicho chimwe chiri kunyanya kuuraya, kunze kweHIV neAIDS. Gomarara riri kubata vanhu nenzira dzakasiyana uye nhengo dzemuviri dzinosanganisira mazamu – ose evakadzi nevarume – muchibereko, ganda, muropa nedzimwe nhengo dzemuviri.

Ongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana inoratidza kuti vanhu vanodarika 22 000 munyika vakarasikirwa neupenyu nekuda kwegomarara pakati pemakore anoti 2012 kusvika 2015.

Pane mukana mukuru wekuti huwandu hwevanhu vakafa nekuda kwechirwere ichi hunogona kudaro hwakadarika apa sezvo vamwe vachifira kudzimba nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kushaya mari neruzivo rwehosha iyi kuti varapwe nenguva.

Gomarara riri kubata vanhu vose zvisinei kuti vakuru kana kuti vadiki.

Kune vanhu vakawanda vari kutambudzwa negomarara asi vasina ruzivo rwekuti ndicho chirwere chavainacho.

Sangano reCancer Association of Zimbabwe pamwe chete nebazi rezveutano vanogarobatana mukuita zvirongwa zvekukurudzira veruzhinji kuti vatariswe gomarara. Zvisinei, kune vamwe vasingakoshese kurudziro iyi, avo vanozomhanya-mhanya chirwere chagodza mumuviri.

Zvinosuwisa kuti vamwe nhasi uno vakarasikirwa nemaziso ose, mazamu pamwe nedzimwe nhengo dzemuviri nekuda kwegomarara, iro pachiRungu rinodaidzwa kuti “cancer”.

Zvakakosha kuti veruzhinji vazive zviratidzo zvegomarara kuitira kuti vatsvage rubatsiro rwekunovhenekwa nguva ichiripo.

Sekutaura kwemukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Control), Dr Portia Manangazira, zvipatara zvinorapa gomarara munyika muno zvishoma kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevarwere vanoda kubatsirwa. Dr Manangazira vanoti nyanzvi dzinorapa zvirwere zvegomarara zvemhando dzakasiyana munyika muno dzinowanikwa muHarare pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nekuBulawayo chete.

Izvi zvinoreva kuti varwere vegomarara vakatarisana nematambudziko makukutu sezvo paine zvipatara zvishoma uko varwere vanokwanisa kunobatsirwa. Nekudaro vamwe vanopedzisira vofamba nzendo refu kuti vawane rubatsiro.

Rimwezve dambudziko ndechekuti kurapwa kwegomarara kunodhura zvakanyanya uye dzimwe nguva murwere anofanirwa kunge achitariswa mushure menguva pfupi zvinove zvinoda mari yakawandisa iyo anenge isipo.

Kushomeka kwenzvimbo dzinobatsirwa varwere vegomarara zvinoreva kuti kune vakawanda vasiri kutsvaga rubatsiro urwu nekuda kwekushaya mari yekufambisa pamwe neyekuzorapwa uyewo nekushaya ruzivo rwakazara pamusoro pehosha iyi. Nekudaro zvakakosha kuti Hurumende pamwe nemasangano anotsigra zveutano vaone kuti zvipatara zviri kumativi mana enyika zvakwanisa kubatsira veruzhinji vane denda iri.

Chimwezve chinoshungurudza ndechekuti gomarara harirapwe zvekubva rapera zvachose asi kuti marwadzo ndiwo anopomodzwa chete kuburikidza nenzira dzakasiyana sekupiswa. Izvi zvinoreva kuti chirwere ichi chinotambudza munhu kwenguva yakareba. Asi zvakadaro, chinongodiwa pedzi kuti patorwe matanho akasimba ekuti varwere vegomarara vakwanise kubatsirwa. Vakawandisa kunze uko vane gomarara. Kungoti vari kufa chinyararire!

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×