MAONERO EDU: Chivi chinodya mwene wacho

VAKURU vane chirevo chinoti chivi chinodya mwene wacho. Zvichireva kuti munhu ukaita chinhu chakaipa unowana mubairo wako.

Chirevo ichi chinozadziswa nenyaya yatinayo svondo rino, yemurume anoti akapandukirwa nemishonga yaakanotsvaga kunyika yeMozambique achida kuti apfume.

Sekutaura kwemurume uyu, anoti akaenda kuMozambique aine mumwe wake pavakanoromba mushonga uyu.

Pane kuti apfume setarisiro yake, anoti akazvisikira moto muziso sezvo mushonga uyu wakamupandukira akasvika kufirwa nemwana nekuda kwekuromba kwaakaita uku.

Pamusoro pazvo, anoti anogarorota mwana wake uyu achimuinga kuhope achibvunza kuti akamuurayira chii.

Mumwe mwana wake anorwara zvakare uye pfuma yaaida haana sezvo achiti iye musvuuganda dzvinyu risina gushe.

Nguva yadarika, takaburitsa imwezve nyaya yemukadzi wemuHarare, uyo akafa achidunura mushure mekunge anotsvaga mushonga weraki kune mumwe muporofita anozivikanwa nekuti Madzibaba Gonyeti wekuWaterfalls.

Mukadzi uyu aiti akaita mabasa echipfambi nekudaro akanotsvaga mushonga weraki uyu nechinangwa chekukwezva varume.

Mhiko dzakapihwa mukadzi uyu dzaive dzakaoma zvikuru idzo dzaisanganisira kuenda kune rimwe bako achinopa nyoka zvekudya zvakaita semupunga.

Panguva yakafa mukadzi uyu pane nyoka yakange yonetsa pamba paaigara iyo inonzi yaingodzingirira vehukama bedzi.

Chinoshamisa ndechekuti kufa kwaakaita mukadzi uyu nyoka iyi haina kuzomboonekwa zvakare.

Mukadzi uyu akafa achidemba kuromba uko akange akaita achiti akazvisikira moto muziso.

Ndizvo zvimwe chete nemurume wekunotsvaga mushonga wekupfuma kuMozambique asi ndomene haichemedzi.

Zviri kuitika kumurume uyu pamwe nepfumvu yakaonekwa nemukadzi wekufa mushure mekunge varomba zvinofanira kuve chidzidzo kumunhu wose.

Pfuma haiuye kuburikidza nemishonga kana kuti nemaminimini asi kuti unotoshanda nesimba pamwe nekubuda dikita.

Chinonetsa ndechekuti vamwe vanhu havadzidze nekuti kunyangwe vakayambirwa kuti chakati chakaipa vanoda kuzvionera pamunhu sefodya.

Izvi hazvibatsire nekuti kana munhu ukaisa zvimiti munzeve ukazopinda muna taisireva inenge yave yeguchu isingadyorerwe.

Zvakakosha kuziva kuti nyaya yekuti munhu anodya cheziva yakatotsidzwa mubhaibheri apo Mwari akati kuna Abrahama achadya zvichabva mudikita rake.

Pfuma inouya nemashiripiti inozvimbira mune remangwana uye inoparara semhute panguva inobuda zuva.

Ane nzeve dzekunzwa ngaanzwe nekuti ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×