Tsumo dzakadzika

Ticha Danga
DARIRO retsumo ratakadai kubata rwendo rwuno rakakura.

Zvoreva izvo kuti nyaya yetsumo tinobata pano neapo tichitanhaura dziya dzatinofunga kuti dzakavanzika kuruzhinji tobva tashanda nadzo kuti vamwe vagodzidzawo.

Chikamu chino tochipendera zvakare netsumo idzo tati tombodzizeya kusvika shaya dzorwasha.

Zvinonzi kuteta jedye kuti riyambuke. Kune vasingazive, jedye idatya. Iyi tsumo inotidzidzisa kusashora kana kumhura.

Inotaura kuti kana ukashora kana kumhura munhu unenge uchitomupa simba kuti mangwana ashande nesimba kuti aunganidze zvese zvaanenge asina.

Iwe unenge uchiti wamutsvata izvo watomupa simba kutoti abudirire.

Dzimwewo nguva, kana munhu asvikirwa nedambudziko anoda kuvenga vaya vanenge vakagarika havo.

Izvi hazvifaniri kunge zvichiitika.

Munhu anenge ashanyirwa nedambudziko muupenyu make haafaniri kuvenga vamwe vanenge vakagarika zvavo nekuti vanenge vasiri ivo vakamupinza mundondo iyoyo.

Murombo haafaniri kuvenga vakapfuma nekuti havasi ivo vakamutadzisa kupfuma.

Ndizvo zvinonzi navasharukwa ndiniwo here ndakati jedye ngaritemwe muswe?

Kamusha kari papa kunge usati wagara mukati mako.

Izvi zvinodudza kuti vanhu havafaniri kungomhanyirira kurumbidza chinhu ivo vasati vachiongorora. Dzimwe nguva unozoti wazoongorora chinhu chiya woona chisingakuitiri.

Usavimbe nezvaunenge usati wava nechokwadi nazvo nekuti zvingazokutsamwisa kana wazoziva chokwadi kana kuwana humboo hwakakwana pamusoro pechinhu ichocho.

Munhu anenge agere pamusha pake ndishe. Nokuda kwekuti musha ndewake, anoziva zvose zviripo.

Nokudaro munhu iyeye akasvikirwa nedambudziko ari pamusha pake anogona kuzvinunura nekuti anenge aine zvinomubatsira somunhu ari panzanga yake.

Chero dambudziko rorema sei, anoshenaira kutsvaga mabudiro.

Ndizvo zvinonzi kari pako ikonje rinofunda nechirimo.

Vanhu takasiyana mararamiro edu. Tine vamwe vanhu vanomirira kuti ngana aite chakati vagozokwaya kumuseka.

Vamwewo vanoda kuti munhu aite chinhu kana achitadza vabva vamusvora nekukundikana kwaanenge aita.

Zvavanoshora kudai nyamba naivowo vacho vanozokundikanawo kuchiita chinhu chacho. Ivava vanhu ndivo vanoshandisirwa tsumo inoti kuita mandiriri asiri pamunhu.

Pane pamwewo pekuti nyanzvi inogona kukundikana muchinhu chainozivisisa.

Zvakafanana nanamakanika vemotokari avo vajaira kutamba nezvipanera vachigadzira mota. Rimwevo ramazuva anogona kukakaritsana nemota imweyo vagotadza kuimutsa.

Ndipo panotaura vagoni havo vachiti zvine manenji kuti gudo ripunzike mumuti.

Vanhu havafanirwi kuvhundutswa kana vaya vanogara vachipopota nekuti anenge ari iwo magariro avo. Vanofanirwa kutongoziva kuti ishiri dzine muririro wadzo.

Vanofanirwa kungopa tsumo inoti ngezvemo zvimbutu zvamaonde.

(Kutsengera) Kushaya muriro kutsengera matuwo embwa. Iyi tsumo inoyambira vaya vanopedzera nguva yavo muzvinhu zvisingabatsire. Vanotoshinga kuparadza njere nenguva pazvinhu zvenhando zvisina kana chiyamuro muupenyu.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×