MAONERO EDU: Dzimwe tsika siyanai nadzo

COVID-19 iri kuramba ichipararira munyika muno uye kusvika pari zvino vanhu 40 vafa nekuda kwechirwere ichi.

Vanhu vawanikwa vaine chiwere ichi munyika muno mushure mekuvhenekwa vadarika 2 800 uye pahuwandu uhu vamwe vanopfuura 600 vakatonaya.

Hurumende iri kutora matanho akasiyana ekumisa kupararira kweCovid-19 anosanganisira kuti vanhu vasamhoresane nemaoko, kusaita chitsokotsoko uye kuti veruzhinji vasafambe kubva nenguva dza6am kusvika 6pm.

Kana pachinge paitika rufu, vanhu vanoungana havafanirwe kupfuura 50 uye izvi zvimwechete nekumachechi zvakare nemimwe misangano yakasiyana.

Mamwe matanho ari kutorwa senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi anopikisana netsika pamwechete nemagariro echivanhu.

Semuenzaniso, kazhinji vanhu kana vachikwazisana vanomhoresana nemaoko izvo zvisiri kukurudzirwa pari zvino.

Pamusoro pezvo, kunyangwe parufu vanhu vanobatana maoko zvakare uye hapana munhu anorambidzwa kusvika parufu.

Asi nekuda kweCovid-19, vanhu vari kutenderwa kuve parufu havafanire kudarika 50.

Kazhinji munhu akafa, pachivanhu mutumbi wake unonzi unofanirwa kurara mumba husiku hwose wozovigwa rechimangwana racho izvo zvisiri kukurudzirwa zvakare pari zvino.

Svondo rino, tine nyaya yevhidhiyo riri kutenderera yemurume ari kupopota zvikuru ari paguva pari kuvigwa ambuya vake achiti hazviite kuti mutumbi wavo uvigwe usina kumborara mumba.

Murume uyu anonzwikwa achiti kana ambuya vake vakavigwa mutumbi wavo usina kumborara mumba husiku hwose vanomumukira ngozi.

Nyaya iyi inoratidza tsika dzechivanhu idzo dzakadzika midzi muvanhu zvisinei kuti dzimwe dzacho dzinopesana nezvinodiwa pakurwisa kupararira kweCovid-19.

Chirwere ichi chiriko nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vasiyane netsika dzinoita kuti chirambe chichipararira.

Hazvibatsire kuti vanhu vaomese misoro vachiungana zvekudarika 50 parufu sezvo zvichipa mukana mukuru wekupararira kweCovid-19.

Kunyangwe iko kuda kubatana maoko parufu kana kukwazisana vanhu vachimhoresana, chokwadi munhu ungazvipire kuisa upenyu hwako panjodzi nezvinhu zvaunokwanisa kudzivirira?

Hongu, tsika inhaka yemusiiranwa uye ndidzo ugo hwemadzinza, asi dzinofanirawo kuenderana nenguva uye nemamiriro ezvinhu.

Chakakosha pari zvino kuchengetedza upenyu nekudaro kana dzimwe tsika dzechivanhu dzichipesana neizvi ngadzimbokandwa kudurunhuru chaiko.

Chirwere cheCovid-19 chasandura zvinhu zvakawanda pasi rose kusanganisira magariro evanhu nekudaro veruzhinji vanofanirwa kuzvitambira nekuti ndizvo zviripo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×