NeSeed Co, murimi anopfuma

Godwill Macherera

TINOKUKWAZISAI varimi mose muri kumativi mana enyika. Tinouya kwamuri isu veSeed Co semaitiro edu svondo nesvondo tichidzidzisana pamarimiro kuti goho redu rirambe riri repamusoro.

Svondo radarika takakurukura pamusoro pekusarudzwa kwembeu panova ndipo panotangira kuumbwa kwegoho nevarimi.

Nhasi tichaburitsa huchapupu huzere kubva kuna Baba naAmai Murombedzi vanorima vari kuKuti Estate, iri kuWard 5 yeMakonde kudunhu reMashonaland West.

VaMurombedzi vakatevedza zvikuru zvinodikanwa pakusarudza mbeu zvinova muguri wakakura, tsanga dzakany’ura mumiguri, kushingirira muzuva, mbeu inova zvigwindiri isingadhererwe pazvirwere zvose zvingava zvemashizha kana zvemuguri wechibage.

Mumwaka wapfuura dunhu raVaMurombedzi harina kunyatsowana mvura zvakanaka asi nokuda kwembeu dzeSeed Co dzavakarima dzinosanganisira SC 727, SC 719 uye SC 649 nezvidimbu zvidimbi zvembeu itsva dzinoti SC 419, SC 555 neSC 659, vakafadzwa zvikuru negoho ravakawana.

Pambeu dzose idzi, hapana yavangati yakavhiringidzwa nokushaikwa kwemvura nekuti dzose dzaive dzakanaka sokunge vaidiridzira, asi kwete, dzaingowana mvura yekunaya shoma iyoyo.

Vachitaura, vanoti havaoni vachizosiya mbeu dzeSeed Co nokuti nokuti, “paSeed Co ndipo pandakaona kutapira kunoita mari yokurima kuburikidza nokushanduka kwakaita upenyu hwangu.”

Nemunda wavo iwowo iye zvino vanototumira vana vavo vari mhiri kwemakungwa kuchikoro vachivabhadharira voga mari dzechikoro uye vakakwanisa kuzvivakira imba hombe muHarare.

Nembeu dzeSeed Co, vakazvicherera chibhorani uye nokuzvitengera motokari nhatu dzavanoshandisa pakurima.

Kurudziro yavo kune vamwe varimi ndeyekuti vatenge mbeu dzeSeed Co munzvimbo dzakatarwa kwete pasi pemiti nokuti vanopedzisira vobirwa vachipihwa zvinhu zvisirizvo.

Mwaka uno vari kukurudzira vamwe vavo vaonewo shura regoho rinobuda pambeu itsva dzinoti SC 419 (Tsoko), SC 555 (Mbizi) neSC 659 (Shumba) pamusoro pedzimwe dzeSeed Co dzavagara vachishandisa mumipanda yeTsuro, Tsoko, Mbizi, Shumba neNzou.

Tinokudayi zvikuru varimi ngatikurudziranei kupfeka mamasiki tichigeza maoko, tive tino jaira kutaramuka zvemita rimwe kana maviri, tive nechokwadi chekuti tinofambira zvine maturo kubuda pamba, kuti tikunde hosha yeCOVID-19. Pamusoro pezvimwe zvamungada kubatsirwa batai varimisi veSeed Co vakatekeshera nenyika.

Godwill Macherera murimisi weSeed Co uye anobatika pa 0772 939 308

Related Posts

Mabasa asingabhadharwi oshungurudza madzimai nevanasikana

Muchaneta Chimuka NHENGO dzeParamende dzinobva kumatunhu akasiyana-siyana nomusi weChina dzakaita musangano wekuona kuti madzimai nevanasikana vangarerutsirwe sei pamatambudziko avanosangana nawo anosanganisira mabasa asingabhadharwi (unpaid care work), izvi zvichiitwa segadziriro yeBhajeti…

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×