MAONERO EDU: Hazvidi kuromba, asi kushanda

SVONDO rino tine nyaya yemumwe musharukwa, uyu anoti anotengesa zvidhoma, zvikwambo, sandawana nemimwe mishonga inokuvadza kune vanozvida, kusanganisira avo vanenge vachida kuzvishandisa kuuraya vamwe vanhu kana kupfuma. Chinoshamisa ndechekuti n’anga iyi inotozvitutumadza isina kana ganda kumeso kunge zvinonzi zvinhu zvakadai ndezvekudada nazvo.

Ah, ungatonzwa kufara kuti unopa vamwe mishonga yekuuraya vanhu? Sekutaura kwen’anga iyi, mutengo wechidhoma unotangira pamombe imwe chete zvichienda mberi uye unoenderana nebasa rinenge richida kushandiswa chikwambo chacho.

Zvichireva kuti mutengo wechidhoma chinoda kushandiswa kuuraya munhu unenge wakati kwirei kana zvichienzaniswa neizvo zvinoshandiswa mamwe mabasa akaipa. Kune vamwe vanonzi vanobvisa motokari chaiyo kubhadhara chikwambo.

Asi tikanyatsoongorora nyaya yezvikwambo iyi, tinoona kuti hazvizi zvinhu zvakanaka zvekuti munhu ange achitora. Sekutaura kwen’anga iyi, zvikwambo kana kuti zvidhoma zvinogadzirwa nemishonga inosanganisira ivhu rekumakuva nemweya yevafi.

Izvi zvoga zvinoratidza kuti kuromba kwakadai kuzvitsvagira matambudziko makukutu muupenyu. Kune vamwe vanonzi vanokanganisa mhiko dzemashandisirwo ezvidhoma izvi avo vanopedzesira vokukungura kuti vakazvitorerei pakutanga.

Zviri pachena kuti kuromba kwemutowo uyu kuzvisikira moto muziso sezvo kuchipa matambudziko makuru mumhuri. Kuti munhu apfume muupenyu, zvinoda kushanda nesimba kwete kushandisa mishonga.

Tinodaro nekuti vakawanda vakambozama kuda kupfuma kuburikidza nemishonga yakaita sezvikwambo asi pakupedzisira vanozozvidemba nekuti hapana kwazvinenge zvavasvitsa.

Kunyangwe tikada kuongorora idzo n’anga dzacho dzinopa mishonga yakadai, tinoona kuti dzinotambura muupenyu hwadzo. Hapana chadziinacho! Kureva kuti idzo hadzidi kupfuma here?

Kana dzichida upfumi sei dzisingashandise zvikwambo izvi kuti dzipfume idzo pane kuda kutsvaga mari nekutengesera vamwe? Kana iyo n’anga yekuti inotengesa zvidhoma iyi, hatingati iri kurarama upenyu hweshoroma asi kuti zviri pachena kuti iri kutambura. Mumba mayo hamuna chirimo kunze kwetsapo dzemishonga.

Izvi zvoga zvinoratidza kuti mari yemushonga haina pundutso. Semaonero edu, masangano anomirira n’anga nemaporofita anofanira kutora matanho akasimba ekuranga n’anga dzakafanana neiyi.

Pamusoro pezvo, panofanira kuve nedzidziso yakasimba kune vanoita zvekurapa zvechivanhu maringe nekuipa kwakaita mishonga yakadai. Mishonga ngaive yakanaka yekuporesa kwete kuromba nenzira yakadai, yekuti munhu anosvika pakupfuudza upenyu hwevamwe.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vazive kuti pfuma inowanikwa nechimbi-chimbi inozovazvimbira mune remangwana. Chati homu chareva, ane nzeve dzekunzwa ngaanzwe!

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *