Maonero Edu: Musape mukana kudenda reCovid

KUBVIRA mumwedzi waKurume gore rino, Zimbabwe, sedzimwe nyika dzepasi rose, iri mushishi kurwisa chirwere cheCovid-19.

Hurumende, ichibatsirana nemapoka akasiyana, iri kutora matanho akasimba zvikuru nechinangwa chekumisa kupararira kwedenda iri.

Covid-19 yakakurumbira zvikuru kunyika dziri kumhiri kwemakungwa uko kunonzi chirwere ichi chave kunyuka kechipiri uye chakasimba kudarika pakutanga.

Denda iri rinonzi ranyuka kechipiri kunyika dzinosanganisira United Kingdom, Italy neSpain, pakati pedzimwe.

Dzimwe dzenyika idzi dzakatodzokera pachidanho chekutanga zvakare chekuti vanhu vanorambidzwa kufamba-famba (lockdown) nedonzvo rekumisa kupararira kweCovid-19.

MuZimbabwe, nyanzvi dzezveutano dzinoti dzinoona kunyuka kechipiri kweCovid-19 kuchitanga nekuBulawayo.

Izvi zvaita kuti vanoona nezveutano vatore matanho akaringana ekumisa kupararira kwedenda iri muguta iri ayo anosanganisira kuvhura zvakare nzvimbo dzinochengeterwa vanenge vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Nyanzvi dzezveutano dziri kuyambira kuti kana pakasatorwa matanho akasimba, kunyuka kechipiri kweCovid-19 kunogona kutekeshera munyika yose.

Chiri kunetsa ndechekuti vanhu vakawanda pari zvino havachakoshesa nyaya dzekutevedzera zvinokurudzirwa mukumisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Mazuva ano hazvishamise kuona munhu achifamba munzvimbo dzakaita sepakati peguta reHarare asina kutopfeka masiki zvachose.

Vamwe ndivo vari kuonekwa vakapfeka mamasiki aya nenzira isiriwo sekuarembedza muhuro kana kupfekedza chirebvu.

Kunyangwe vamwe vabati vemutemo semapurisa, avo vane basa rekuona kuti veruzhinji vatevedzera matanho ekurwisa Covid-19, vari kuonekwa zvakare vasina kupfeka mamasiki.

Vamwewo vanhu ndivo vave kuita chitsoko-tsoko muzviteshi zvinokwirirwa mabhazi kana mumisika nemuzvitoro.

Kune vemabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutandarira munguva dzemanheru uko vanhu vari kuonekwa vakaita chitsoko-tsoko vachifara.

Munhu wose ane chekuita nekudzivirira kupararira kweCovid-19 uye hazvidi kugara wakabatirwa shamhu kuti upfeke masiki kana kutevedzera mamwe matanho anodiwa.

Zvakosha kuti veruzhinji vadzamise pfungwa vazive kuti kuita zvinodiwa mukumisa kupararira kweCovid-19 kunobatsira ivo nekuti ndivo vari panjodzi yekutapurirwa chirwere ichi.

Hurumende yakanyevenutsa matanho ekurwisa Covid-19 kuburikidza nekuvhura zvikamu zvakakosha zveupfumi hwenyika kuti zvichitanga kushanda zvakare nechinangwa chekusimudzira budiriro.

Izvi zvinosanganisirawo kuvhurwa kwezvikoro.

Asi, kana Covid-19 ikanyuka kechipiri sezviri kuitika kune dzimwe nyika dzemhiri kwemakungwa, Hurumende haina zvimwe zvaingaite kunze kwekudzokera padanho rekutanga apo veruzhinji vanonzi vagare kudzimba.

Danho rakadai rinodzosera kumashure kusimukira kweupfumi hwenyika nemamwe mabasa akasiyana.

Saka zvakakosha kuti veruzhinji vasavarairwe uye vatevedzere matanho ose ekurwisa Covid-19.

Related Posts

ADVERTORIAL: Reply to the Second Reading debate: Constitution of Zimbabwe Amendment Bill No.3, 2026 by Honourable Ziyambi

Introduction Mr. Speaker Sir, I rise to reply to the Second Reading debate on the Constitution of Zimbabwe (Amendment No.3) H.B.1. Bill, 2026. Before doing so, may I thank Honourable…

Makondomu 15 800 agoverwa paForbes Border Post musvondo rimwe

Tendai Gukutikwa MAKONDOMU anosvika 15 800 akagoverwa svondo rapera chete kuvatyairi vemagonyeti, vanoita mabhizimusi ekuenda kunze kwenyika vachinohodha zvinhu zvakasiyana-siyana, vanoita basa rekutengesa muviri nevamwe vafambi paForbes Border Post neveZimbabwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×