Zvidzivirirei, Covid iriko

Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika Vice President Constantino Chiwenga avo vanovazve gurukota rezveutano nekurerwa kwevana vari kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachipfeka mamasiki nemazvo uye vachitevedzera mamwe matanho ose ekurwisa Covid-19.

Vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevarimi kuMukwene nekuChibvuti Farm, kuGoromonzi mudunhu reMashonaland East, svondo rapera apo pavaimema minda yevarimi vari muchirongwa chemadiridziro nechePfumvudza pamwe nekucherechedzwa kwezuva reWorld Food Day.

“Tiri kuona kuti kune vamwe vanhu vari kungosungirira mamasiki muhuro pachinzvimbo chekuti vazvivhare muromo nemhuno. Masiki haisi yekurembedza muhuro nekuti basa rayo ndere kuchengetedza utano hwevanhu kubva kuchirwere chinouraya cheCovid-19. Chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga zvisinei nekuti tine tarisiro yekuti unogona kuwanikwa munguva inotevera,” vanodaro.

Vice President Chiwenga vanoti kutevedza zvinodiwa neveutano uye sangano reWorld Health Organisation (WHO) mukurwisa chirwere cheCovid-19 sekugeza maoko nesipo kana nesanitiser, kupfeka mamasiki nekusaungana kwakabatsira mukuderedza kufa kwevanhu munyika muno kana zvichienzaniswa nekune dzimwe nyika.

“Kuzvichengetedza kwakakosha nekuti kunoderedza mitoro yekuzorapwa. Ngatiregedzei kuramba tichiungana, kungava kumakereke. Kana ukanzwa kuti muviri hausi kuita zvakanaka sekuti une chikosoro, mhanya kuchipatara nekuti kana ukada kuchengeta chirwere uri kumba unofa nekuti unenge uchiti ndinogara ndichibatwa nechikosoro mukunaya kwemvura nyambisirwa unenge watobatwa nayo Covid-19,” vanodaro.

Vanoti mumapurazi makagariswa vanhu patsva neHurumende mune dzimba dzirimo dzinokwanisa kuvandudzwa zvivakwa zvacho dzoitwa makiriniki.

“Regai kupaza dzimba dzakasiiwa dziri mumapurazi umu nekuti tichadzishandisa kuvakurudza makiriniki anenge ari pedyo nemi nekuti takaona kuti kune vamwe vakanga vava kutodzirendesa kuti vaite mari. Taona zvakare kuti migwagwa inofanirwa kugara ichigadzurudzwa nekuti ndiyo inofamba nemotokari kana maamburenzi achiendesa varwere kuzvipatara.

“Kuparara kwemigwagwa kunokanganisa zvekare kuwaniswa kwenyaya dzeutano kuvarwere zvichikonzera ndufu, zvikuru kumadzimai akazvitakura ayo anenge achida rubatsiro rwechimbi-chimbi,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×