
MAZUVA ano kune nyaya dzine chitsama dziri kubuda munhau dzevana vakomana nevasikana vasati vayaruka avo vari kushinha.
Seimwe nyaya yatinayo svondo rino, yemukomana wekuZaka ane makore 14 okuberekwa, uyo anonzi akamitisa vasikana vaviri, mumwe wacho pwere.
Mukubuda kwenyaya iyi, mukoma uyu anonzi akamitisa vasikana ava — mumwe ane makore 13 ekuberekwa neane makore 18 anove muzukuru wake.
Mamwe mashoko asati anyatsojeka anoti mukomana uyu akashinha nevasikana vanosvika 21 uye izvi zvinotevera kuchecheudzwa kwaakaitwa nerimwe sangano rakazvimirira.
Kakomana aka kanonzi kakazosvika pakushinha nemuzukuru mushure mekunge vakakavadzana pamusoro pekuchecheudzwa uko akange aitwa musikanaka achiti hakubatsire.
Anoti mushure mekunge vachecheudzwa vakaudzwa kuti vaizokwanisa kuita zvebonde nekufamba kwenguva.
Izvi zvinoratidza kuti zvakakosha kuti masangano anochecheudza anofanira kupa dzidziso yakazara pamusoro pechinangwa chekuti vanhurume vachecheudzwe. Vanofanira kupihwa zvakare dzidziso yekuti kana munhu achinge achecheudzwa hazvirevi kuti anenge ofanira kushinha nevanhukadzi asati abva zera uye pasina dziviriro.
Nguva pfupi yadarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemusikana ane makore 15 okuberekwa wekuDomboshava uyo anonzi akamitiswa nasekuru hanzvadzi yaamai vake, vamwewo vachiti pamuviri apa ndepechikomba chaamai vake.
Musikana uyu akatoregera chikoro panzira zvinoreva kuti upenyu hwake hunenge hwatokanganisika. Kutaura kuno ava nemwana, iye achiri mwanawo. Zvimwe chete nevasikana vaviri vanonzi vakamitiswa nekakomana kekuZaka avo vakasiira chikoro panzira zvakare.
Chinorwadza panyaya dzakadai ndechekuti izvi zvinokanganisa zvikuru upenyu hwevana avo vane kodzero yekuwana fundo.
Zvakakosha kuti vabereki vape ruzivo rwakazara kuvana vavo pamusoro pekuipa kwakaita nyaya dzekushinha pakati pemukomana nemusikana vasati vapinda muwanano.
Vanasikana nevanakomana zvakare, zvisinei nekuti ihama here kana kuti kwete, vanofanira kugara vachicherechedzwa matambiro avo uye havafaniri kuregwa vachirara muimba imwe chete.
Tinodaro nekuti pakadai apa pane mikana yekuti vanopedzisira voshinha vose voita makunakuna sezvakaitwa nemukomana wekuZaka uyu nemuzukuru wake. Nyaya dzakadai dzinorwadza pamwe nekushungurudza vabereki zvikuru nekuti tarisiro yemunhu wose ndeyekuti mwana wake ave neremangwana rakajeka.
Ivowo vana vacho ngavabvume kutsiurika vachiterera zvinotaurwa nevakuru vavo nekuti vakaisa zvimiti munzeve mangwana vanozochema asi inenge yave mvura yeguchu yadeuka isingadyorerwe.
Rairai vana vatevedze gwara rakanaka!




