Mvura inoda kukosheswa!

KANA uchiri kuti nyaya yokusanaya kwemvura inyaya yeHurumende kana varimi, wakarasika. Nokuti mvura UPENYU hwomunhu wose.

Mvura ikaramba ichinaya munairo wairi kuita izvozvi, kune dzimwe nzvimbo, zuva richipisa kunge vanhu vachananauka; minda mizhinji ari makura sezvazviri nhasi, vanhu kubva gore rapfuura vachiti kukati wara-wara vodyara, vaine tariro yokuti ichauya yakawanda, asi mbeu dzopedzisira dzatsva; kune dzimwewo nzvimbo mhuri zhinji dzichirasikirwa nezvipfuyo, zvoreva kuti nyika yakatarisana nedambudziko guru. Idambudziko rinobva pachinhu chinopa upenyu nechimiro – mvura.

Mvura yokunwa chaiyo yakachena, kusanganisira yezvipfuyo, iri kushaikwa. Vanhu vari mumaruwa kunyanya, vari kufamba mitunhu yakareba kutsvaga mvura. Mugoro kana chigubhu chimwe chete chemvura hachikwanisi kubika, kugeza, kuwacha nokupa kuzvipfuyo.

Muri kuzvionerawo mega chimiro chemvura munzvimbo dzamunogara nedzakakukomberedzai. Asi Zimbabwe Broadcasting Corporation iri kubatsirawo nokutionesa nzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kuitira kuti tese, kwete Hurumende chete, tinzwisise mamiriro ezvinhu.

Zvadaro, vanhu voisa misoro pamwe chete kutsvaga pfungwa dzakapinza dzokuti dambudziko ringarerutswe sei.

Svondo rino nesvondo rapfuura, ZTV vange vari kudunhu reUzumba-Maramba-Pfungwe (UMP), kuMashonaland East, uko kwatakaona vamwe baba vachichera mvura yemufuku panzvimbo yaipisa tsitsi.

Vatori venhau ava vakashama kuti vanononwa sei mvura ine tsvina, asi baba ava vakaratidza kuti unorarama nezviripo, vakatora kapu, vakachera mvura vakanwa. Vatapi venhau vakatongokanganwawo kuti mvura yemufuku haina kusiyana neinobuda papombi dzavo yavanopihwa neguta reHarare. Yemufuku ikatenge nani!

Imwe nyaya yaive yekuMtawatawa Hospital kwatakaona madzimai akazvitakura, vamirira kusununguka, vachifamba rwendo kunotsvaga mvura yokunwa. Mumwe mudzimai akabudawo akabata mwana mucheche waakange achangosununguka achiti ane mazuva matatu asati agezwa.

Vakuru vechipatara vakati izvi pamusana pokuti dhamhu rinopa mvura kuchipatara rakaoma nokupisa kwakuri kuita.

Dambudziko remvura iri harisi kuUMP chete, asi nyika yose. Asi, zvakashamisawo ndezvokuti kwakare kuUMP, kune vanhu venzvimbo yakanzi Ward 5 vanopota vachikiya chibhorani chavo kuitira kuti vamwe vanhu vasawane mvura. Kana tikasati uyu mweya wehuroyi, ndezvipi zvatingazodaro?

Chii chinofadza pakunyima vanhu mvura inobva muvhu, mvura yakasikwa naMwari? Ko mumwe musi vakazokinura, vachiwana rwangove ruware, vanoita sei?

Asi, chanyanyoita kuti tionesane panyaya iyi ndechokuti mabasa okurima ndiwo musana wakabata upenyu hwenyika, pangave pachikafu kana kuwanisa vanhu mabasa.

Pakunonaya zvakaringana, mabasa okurima anoburitsa mabasa nemari munzvimbo dzakasiyana-siyana – kubva kumunda kusvika zvapinda mufekitari, muzvitoro nemundiro vanhu vave kudya.

Zvino kana denga riri zvariri kudai, kuchinziwo zvichange zvakadaro kwemamwe makore ari kutevera, zvoitwa sei?

Ko iyo mvura yatinonzwa kuti izere pasi, uyewo kuti nyika ine madhamhu akawanda, kuchazove riini kuti nyika itange kukoshesa marimiro ezvemadiridziro? Hazvichaiti kumirira yomudenga chete, uyewo kana yanaya ngaikohwewe ishandiswe kumadiridziro gore rose.

Yasvikawo nguva yokuti vanhu vadzidziswe kutambanudza pfungwa dzavo (thinking outside the box).

Nyika dzakabudirira dzine mamwe mapurazi anoita bhizinesi rokurima huswa nezvimwe zvinodyiwa nezvipfuyo.

Vanozviita nokuti vanoziva kuti vane mwaka wechando chakanyanya, wakareba apo zvipfuyo zvinenge zvakavharirwa, saka zvinotopihwa huswa zviri mumatanga.

Gore negore, muno, uswa hunoparara, vanhu vachipisawo masango. Pfuma inoparara nokushaya chokudya. Kana makore akunenge kwaita goho rakanaka, chakaipa chii kuchengeta mashanga kuitira mangwana?

Chimwewo chatingade kuziva ndechokuti vanhu vari kunwa mvura zvakadii kunyanya pakunopisa. Inyaya inobata-bata munyori uno kunyanya kuvana vechikoro. Vari kunwa mvura kuzvikoro here, uyewo vari kunwa mvura kudzimba here?

Yakachena here, kana kuti tiri kufusha matambudziko?

Vhara musasa ndeyokuti kana paita nyaya huru yakadai yemvura, vezvematongerwo enyika ngavambosendeka zvokurwisana.

Vanhu vachavhota, saka ngakutariswe matambudziko ariko nhasi vanhu vasati vakambira zvigaro zva2018.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *