MAONERO EDU: Vanoroodza pwere ngavamhan’arirwe, vasungwe

SVONDO rino, tine nyaya inosuwisa zvakanyanya yevanasikana vasati vabva zera avo vanonzi vari kuroodzwa nevabereki vavo kuMt Darwin, kuMashonaland Central, nokuda kweurombo, izvo zviri kuita kuti vasiire chikoro panzira.

Izvi zviri kuitika kunyangwe zvazvo, pamutemo, iri imhosva kupinda murudo kana kushinha nemunhu ari pasi pemakore 18 okuberekwa.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi kune mumwe mwanasikana ane makore 15 okuberekwa uyo anoti anodanana nevarume vanosvika gumi uye vakawanda vacho vari vechikuru.

Mwana uyu anonzi handiye oga ari kuita zvakadai. Zvinonzi katsik aka katekeshera munzvimbo yaanogara.

Zvinorwadza kuona murume mukuru achipinda murudo nemwana ane makore 15 okuberekwa.

Chinonyanyorwadza panyaya iyi ndechokuti mamwe masabhuku, ayo anofanirwa kuona kuti nyaya dzorudzi urwu dzamhan’arwa kumapurisa, anonzi ari kubatsirana nevabereki vevana ava kudzivanza.

Semaonero edu, vakadai ava havakodzeri zvachose kupihwa zvigaro zvehusabhuku nokuti inhubu chaidzo dziri kuita zvinopikisana nemutemo, uyo vanofanirwa kunge vachiremekedza sevatungamiri. Upenyu hwevanasikana vari kuroodzwa vari ndumurwa ava huri kuenda mudondo.  Kunze kwokuti kuita kwakadai kupara mhosva, kazhinji kacho wanano dzorudzi urwu hapana kwadzinosvika sezvo dzinenge dzizere nekumbunyikidza kwakanyanya.

Unotozvishairwa shumo yazvo kuti mubereki angaparadze upenyu hwemwanasikana wake nekumuroodza ari pwere nokuda kweurombo.

Tinoti kwete kumaitiro akadai. Mwanasikana ane kodzero yekudzidza nekuwaniswa mikana yakasiyana-siyana muupenyu sezvinoitwawo mwanakomana.

Dambudziko rekuroodzwa kwevanasikana ndumurwa rinotaridza kuti richakadzika midzi munyika, kunyanya kune vezvimwe zvitendero, zvisinei nokuti mutemo haubvumiri katsika kakaipa kudai.

Gwaro rakaburitswa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari nguva pfupi yadarika rinotaridza kuti nyaya dzevanasikana vari kupihwa pamuviri vachiri pachikoro muZimbabwe richiri dambudziko guru. Bazi iri rinoti vadzidzi vanodarika 3 368 vakasiira chikoro panzira nokuda kwekumitiswa pavana vanosvika 33 746 avo vakasiya chikoro nezvikonzero zvakasiyana-siyana muna 2024. Vadzidzi vakasiya chikoro nezvikonzero zvinosanganisira kumitiswa, kuroorwa, kushairwa mari yechikoro, kushandiswa mumabasa akasiyana-siyana, kudzingwa, kungorovha pamwe chete nendufu.

Kunyangwe zvazvo gwaro rebazi iri risina kudonongodza makore evadzidzi vakasiya chikoro panzira nokuda kwekumitiswa kana kuroodzwa, vakawanda vavo vachiri ndumurwa. Izvi zvinotaridza kuti Zimbabwe ine basa guru rekurwisa nyaya dzerudzi urwu.

Pasi pemutemo weEducation Amendement Act, vanasikana vanenge vamitiswa vachiri pachikoro vane kodzero yekuenderera mberi nedzidzo yavo zvisinei nokuti vakawanda vevadzidzi ava pari zvino vari kubva varegera nokuda kwezvikonzero zvakatsaukana-tsaukana.  Ibasa remunhu wose kuchengetedza kodzero dzevanasikana, kusanganisira yedzidzo inoendeka.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×