Masangano orwisa TB kuvashandi vezvicherwa

Muchaneta Chimuka

SANGANO reUnion Zimbabwe Trust (UZT),  richitsigirwa nereStop TB Partnership (Global), rakaparura chirongwa chitsva chekuvheneka rurindi kuvashandi vezvicherwa zvichitevera mabasa avanoita anovanenekedza kuchirwere ichi kuMberengwa neZvishavane, kuMidlands.

Mukufambisa chirongwa ichi, vari kushandisa nharembozha pamwe nemichina mikuru inovheneka (Computer Aided Diagnosis) iyo inobva yangobudisa zvinenge zvaonekwa muongororo pakarepo zvichiita kuti varwere varapwe nekukasika.

Ongororo iyi iri kuitwa munzvimbo dzinotandarira veruzhinji masikati nemanheru zvinova zvichabatsira mukuwedzera kuongororwa kwevashandi vemumigodhi uye vachidzidziswa pamusoro pezveutano.

“Taparura chirongwa chekuvheneka rurindi nekuderedza dambudziko rechirwere cheSilicosis kunyanya munzvimbo dzakaita semigodhi takanangana nevanochera zvicherwa nevaimbova mumabasa ezvicherwa,” vanodaro Dr Mary Muchekeza vanova Midlands Provincial Medical Director pakuparurwa kwechirongwa ichi nguva pfupi yadarika panzvimbo yeVanguard Business Centre kuMberengwa.

Vanoti vashandi vemumigodhi vazhinji vacho vane mikana yekubatwa nechirwere cherurindi zvichitevera kufema kwavanoita mishonga, hutsi nehuruva vari pasi pemigodhi zvinova zvakavasunda kuti vavavinge munzvimbo idzo vanoshandira nechirongwa ichi.

“Chirongwa ichi chiri kuitwa kuMidlands munzvimbo dzinosanganisira Mberengwa neZvishavane dzinova dzatakasarudza mushure mekuona kuti dzine nyaya dzakawanda dzechirwere ichi. Ongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, inoratidza kuti chirwere cherurindi chakatekeshera munzvimbo makumi maviri nemashanu mukati mematunhu maviri aya,” vanodaro.

Executive director weUZT, Dr Ronald Ncube, vanoti kare kuongororwa kwechirwere cherurindi kwainyanya kuitwa kuvanhu vanenge vaonekwa vaine zviratidzo bedzi zvakadai sekukosora, kuzarirwa nekudikitira munguva dzemanheru.

Vanoti asi iko zvino chirwere ichi chinogona kunge chiri kupararira pasina zviratidzo, zvikuru sei kuvanhu vanoshanda muchikamu chezvicherwa nemamwe mabasa anovanenekedza mukubatwa neTB.

Ongororo yerurindi iyi iri kuitwa pachishandiswa nzira yekare yemaX-ray pamwe chete neitsva yekushandisa nharembozha neComputer Aided Diagnosis.

“Kusvika pari zvino, pakaitwa zvirongwa zvina kubva pamakumi matatu nezvitatu munzvimbo yeMberengwa neZvishavane. Kubva pavanhu 999 vakaongororwa, gumi vakawanikwa vaine chirwere cherurindi apo vatanhatu vaine Silicosis, uye vana (4) vaine zvose Silicosis nerurindi (Silico-TB), zvichiratidza kukosha kukuru kwenzira dzekuongorora dzakabatanidzwa,” vanodaro.

VaNkulumo Ncube vanove TB and Leprosy Coordinator kuZishavane District vanoti vari kufara zvikuru nekusarudzwa kwedunhu ravo richiva rekutanga kuitwa chirongwa ichi.

“Mukana uyu wakakosha wekuvandudza nyaya dzemunharaunda dzedu. Chirongwa ichi nekuda kwemaitirwo acho, chichasimudzira veruzhinji mukurwisa chirwere cherurindi kuti tive nyika inovavarira kupedza chirwere ichi zvachose,” vanodaro.

UZT yakazvipira kushanda pamwe chete nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, vakuru vematunhu nevamwe donzvo guru riri rekusimudzira utano hweveruzhinji.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×