– Mhare dzezim – Roger Boka

MUMWEDZI uno waNyamavhuvhu, tichakupai vamwe vana veZimbabwe vakashanda kana kuti vari kushanda kuti vatema vasimukire mune zvakasiyana. Tinotanga nemushakabvu, muzvinabhizimisi VaRoger Marume Boka.

VaBoka vaive mhare munyaya dzekuti upfumi hwenyika hudzokere kuruzhinji uye ndivo mutema wekutanga muZimbabwe kuve nemusika unotengeswa fodya, weBoka Tobacco Floors, uyo wakavhurwa mugore ra1997.

Mai Rudo Nyakudya, vanova mukuru anoona nezvekutengeserana kukambani yeBoka uyewo vari mwana wemuchakabvu uyu, vanoti baba vavo vakabvira kare kurwisana nemimwe mitemo yaidzvanyrira vatema kuti vasarime fodya munguva yehutongi hwemabhunu sezvo yairimwa nevachena chete.

“VaBoka vakaedza zvose zvavaigona kuti vasimudzire vanhu vatema kubva muhurumbo hwaiva hwakonzerwa nevachena,” vanodaro Mai Nyakudya.

Mamwe emabhizimisi akavambwa naVaBoka anosanganisira United Merchant Bank, Boka Group of Mines uko kwaicherwa goridhe kuChegutu nekuShamva, Boka Book Sales, Boka Cosmetics, Boka Interprises neBoka Studios.

VaBoka vakazvarwa mugore ra1944 ndokuzoshaika muna 1999.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *