Maporofita enhema obatwa kuChi-town

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI ane makore 24 ekuberekwa uyo anofamba achizviti muporofita weJohane Masowe akazoigochera pautsi zvichitevera kufumurwa kwaakaitwa mushure mekubvisa chikwambo chemanyepo pamba peimwe chembere ndokuzoitsotsa mari yayo.

Elleme Makomva (24) – uyo asina pekugara pakati tsvetere – akamiswa mudare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva yehuwori.

Muchuchisi Norman Koropi anoudza dare kuti nomusi wa8 Kukadzi gore rino, Makomva – uyo ainge achishanda nevamwe varume vana vasati vabatwa – vakaenda kumba kwemumhan’ari Ellen Petros (64) panhamba 23454 Unit L, kwaSeke.

Vasvikako, vanonzi vakanyepera kubvisa chikwambo ndokubva vati vanoda muripo we$160 yekuita munamato pamba pamwe nemugomo sezvo vaiti muchembere uyu anoda kucheneswa.

Muzuva rakatevera, Makomva nevamwe vake vana vanonzi vakaenda kumba kwemumhan’ari vachibva vatanga kuita “minamato” yavo vachiti vaida kubvisa chikwambo chainge chiri mumba maPetros.

Petros akavapa US$30, Makomva nevamwe vake vachibva vamuratidza chidehenya chehozhwa chakaputirwa nedehwe rembudzi uye chiine chuma.

Kuburikidza nemanyepo aya, Petros akazorasikirwa ne$760 uye hapana chakawanikwa.

Mutongi Feresi Chakanyuka anoti Makomva adzoke kudare munguva inotevera apo kutongwa kwenyaya iyi kunoenderera mberi.

Makomva ari kutongwa nemhosva yehuwori (Fraud as Defined in Section 136 of the Criminal Law Codification and Reform Act chapter 9:23).

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *