Rangarirai kwamakabva — Shortcat

Abel Ndooka

JAPHET “Shortcat” Mparutsa anoti zvakakosha kuti  shasha dzakambonetsa mumitambo yakasiyana dzidzorere kunharaunda kuburikidza nekusimudzira vechidiki nevamwe vanotambudzika.

Mparutsa, uyo akanetsa zvikuru achitambira nhabvu kuzvikwata zvinosanganisira Dynamos FC, Black Rhinos nechikwata chenyika cheWarriors, parizvino ari kugara kuEngland uko ave nemakore akawanda ariko.

Ari kunyika iyi, akavamba sangano rake reJaphet “Shortcat” Foundation iro rinosimudzira mitambo  inosanganisira nhabvu, netball, volleyball nebasketball.

Muhurukuro neKwayedza, Mparutsa anoti vamwe vechidiki vemazuva ano vari kushairwa zvekuita vopedzisira vave kutora zvinodhaka.

“Mwoyo wangu unorwadza ndichiona vamwe vechidiki vemazuva ano. Remangwana ravo riri kuenda mudondo nekuti vari kuswera vachitora zvinodhaka sezvo kusina zvavanoswera vachiita.

“Asi, vakawanirwa zvekuita ndinoziva zvinovabatsira zvikuru,” anodaro.

Mparutsa anoenderera mberi achiti, “Ini ndakazvipira kuti ndishande zvakasimba kuvasimudzira ndiko saka ndakavamba sangano rangu reShortcat Foundation iro tichange tichisimudzira mitambo yakasiyana. Kare tichikura, kuMbare kwaive nemaCommunity Halls akaita saMai Musodza Hall uko taienda kunotamba mitambo asi nhasi hakuchisina.

Saka vana havasisina zvekuita, ndipo vanozotanga kutora zvinodhaka vamwe vave kuita chipfambi.

“Saka isu takambotamba mitambo iyi kare tinofanirwa kudzorera kunharaunda dzatinobva tosimudzira vechidiki variko kuti vasarasike.”

Mparutsa anoti gore rino sangano rake richange richironga mitambo yakawanda yekusimudzira vechidiki vane matarenda akasiyana.

“Tiri kutangira neMbare nekuti ndiyo iri pamwoyo wangu, ndiko kwandakabva uye ndinoda chaizvo kuona vana vemo vachisimukira vachibudirira.

“Vana vedu tisu tinofanirwa kuvavhurira nzira, mitambo iyi yakakosha nekuti inovapa dzidziso yakanaka chose. Panguva yedu, zvinodhaka zvaivepo uye zvaitorwa asi nekuda kwemitambo yataitamba ndiko kwataiwaniswa dzidziso yekuti hatifanirwe kutora zvinodhaka,” anodaro Mparutsa.

Shasha iyi yave nemakore akawanda iri kunyika yeEngland uko akaita zvidzidzo zveTheology uye akanyorawo bhuku rehupenyu hwake rinonzi Japhet “Shortcat” Mparutsa My Story.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *