IMBWA HAIHUKURE SADZA
ZVIRI pachena kuti munhu unogona kuurayiwa nevanhu vachiti vari kukunamatira nezita raJesu! Asi Jesu haana kuuya kuzouraya kana kuremadza vanhu, asi aishandisa simba rake kuporesa vanorwara.
Zvino kana maporofita emumasowe atekeshera kunge misika yemadomasi ave kusiya munhu akuvara sezvakaita musikana wekubuda muKwayedza svondo rakapera, pachiine kunamata here apa?
Mutsviro wakaita musikana uye ndewekuGehena chaiko!
Asi ini ndave kunetseka nenyaya yekuti vanhu vedu taparara nekushaya zivo. Inhamo rudziiko inotiita kuti tinozviisa mumaoko emhondi kuti dzitipise kunge munhu ari kuda kuundura huku kudaro?
Ini ndinosvotwa nesuwo vanhu tiri kupitipidzana mumasowe evanhu vanoswera vachiporofita kubva mangwanani kusvika husiku!
Uri mweya waMwari here iwoyo? Munhu wese achibva apihwa kundiso?
Nemiwo vanhu regai kubva mangoita seshuga nekuti munosvisvinwa nenyika ikakumedzai.
Sei tichipinimidzira miswe kune munhu wese wese angoti ndiri muporofita?
Regai kupusa kupfeka sebhutsu yasakara. Imboshandisaiwo pfungwa.
Jesu aishandira, asi kwete muswere wese sevakomana vemashura ava.
Ichokwadi pane nguva yekuita zvinodiwa kuti zviitwe, asiwo pane nguva yekuramba.
Tinozviita kunge kombi inongokwirwa chero nemunhu wese ane 50 cents yake. Kana tikada kurarama hupenyu hwekufadza munhu wese tichipfava kunge hwayi tinodyiwa nemhumi, makava nemapere azara munyika.
Kana ukazviita mbeva, unodyiwa nekiti, kana ukazviita majarini unozorwa pachingwa ukadyiwa.
Kana ukasiya maporofita achikuitisa zvisina basa, uchabvisiswa hembe kuti unamatirwe!
Ariko makava ari mumasowe nemachechi ane miromo yakavanza mazino ekuruma nekudya tusikana nemadzimai ari kutsvaga kuroorwa, mbereko nekudiwa nemurume zvakanyanyisa.
Iwe, imboudzawo vanhu vebhazi kuti vakusiye nekuti kwauri kuenda hakufambe mabhazi uye uchashandisa tsoka dzako.
Zvino nhamo iripo ndeyekuti munoteerera maporofita zvakanyanya.
Asi chamusingazive ndechekuti iny’any’a dziri kutotsvaga kukupinda segonye riri kuda kuodza muchero.
Usaite fuza, nekuti fuza rinongobvuma zvese zvese.
Teerera muporofita kana hana yako isiri kurova, asi ukangotanga chete kunaiwa nemvura yemibvunzo nekutya, ibva wataura pachena usingakakame kuti ndisiyei nenhamo dzangu nemadhimoni angu.
Chinonetsa vanhu vazhinji kuda kuramba muchida kuona kuti zvinozoita sei, asi imi muchitotevera ngwena iri kukukokai kumabiko emumvura.
Zviri nani kutsamwisa muporofita pane kuzokungura kuti dai ndakaziva.
Usatye kusekwa nevanoseka kuti watya ukatiza kuponeswa nekuti hakuna ruponeso rwunobva mumanyepo nechikuruku.
Tsika madziro ubve pamakava asati akudambura-dambura ukasara wave midzonga.
Zvakakosha kuti munhukadzi udzidzire kuti “KWETE,” nekuti zvinokubatsira zvikuru pane kuitiswa dzungu nendimi dzemaporofita dzakadzidzirwa zvekuti ukateerera unonzwa vachiti, “Devotion, Commotion, Abortion, Rukisheni, Lotion in the Ocean!” Kure uko!
Zvanzi kana uri muKristu unofanirwa kuve munhu munyoro — asi ungaite munyoro iwe uri mubako rebere?
Kana ukaita munyoro uri kukurudzira bere kuti kana rikakudya zvigunwe rigokuti udzoke zvakare mangwana kuti rigokudya ruwoko.
Miviri yenyu itemberi yaMwari. Kana imi vanhukadzi nevanasikana mukasaratidza kuti munofunga, motaurira muporofita kuti apfurikidza munenge mazviita chibayiro cheatari yezvikara.
Nemi maporofita tinokuzivai, Mwari wangu kudenga anoti, “Wakazviita ndikaramba ndakanyarara, iwe ukafunga kuti ndakafanana newe!”
Tambai nezvimwe varume, nekuti jee ijee zvaro asi dzihwa harigochwe, uyewo Mwari haasi muramu.




