Orpah Mukotekwa
MUSIKANA wekunyengedzwa nasaimba kunzi amuzvarire mwana ndokuzosiiwa pachena akazoendesa nyaya iyi kudare reHarare Civil Court otsvaga mari yekuriritira mwana.
Abigirl Kashiri akamhan’arira Patrick Sinoi achiti akamunyengedza kuti amuzvarire mwana waasisade kuchengeta.
“Baba ava tiri kunetsana pakuti vakandinyengedza ndichiri musikana kuti ndivazvarire mwana asi izvozvi havachade kana kundiona, vave kundisema. Vanofunga kuti ndiri mushina here unongozvariswa vondikandira kudurunhuru?
“Baba ava vane mukanwa munotapira zvekuti ini pfungwa dzangu dzakabva dzasvika pakuperera, kushaya kuziva kuti ndiri kuitei.
“Ndakatoramba vamwe vakomana vaindida ndikabvuma ivo chete. Asi vaona kuti vapedza neni, ndava nemwana, vava kundikandira kumarara. Ndingadai pamwe ndakatowanikwawo nevamwe vakomana vaindida ndikamirira iye chete sezvo taive tawirirana kuti taizogara tose upenyu hwedu hwese.
“Ava kutsika madziro nekuti ndava rara, ndiani achandida ndave nemwana kudai?” akadaro Kashiri.
Akaenderera mberi achiti Sinoi anowana mari chaizvo sezvo achishanda basa rehumakanika.
“Murume uyu mari anayo, kana mupfekero wacho unotaura woga. Kutaura kuno ini nemwana wake tiri kutochengetwa nehama dzangu idzo dzave kugara dzichindituka kuti mwana wake abve pamba ipapo.
“Chikafu chemwana chaicho chiri kutondinetsa asi baba vake vapenyu. Mwana osvika kupi achirarama kunge asina vabereki asi tose tiri vapenyu?” akadaro Kashiri
Achipawo divi rake, Sinoi akati:
“Ishe wangu, ini handichashanda, basa rakapera mwedzi mishoma yadarika ndangova munhu ava kungorarama zvekupambara kunge shiri. Pamusoro pezvo, ndine mhuri yevana vatatu zvekuti mudzimai wandinaye anotodawo kuchengetwa nekamari kashoma ikako.
“Mukadzi uyu ane shanje, anorwadziwa nekundiona ndichifamba nemhuri yangu asi ndaiva ndambomuudza kuti ndine mukadzi akandida zvakadaro. Chikumbiro changu ndechekuti mundidzikisirewo mari yataurwa kusvika pa$50 sezvo mari yava kunetsa kuwana.”
Mutongi Barbra Masinire akati Sinoi abhadhare $70 pamwedzi.




