‘Mapurisa akandisunga muchaita mapofu’…. . . mugozvara vana zvirema . . . ndapedza kuuraya hama

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaChihota wekubatwa muHarare mwedzi wapera aine zinyoka mukombi anoti apedza kuuraya hama dzake nemishonga yakaipa uye ari kuyambira mapurisa vakamusunga aine nyoka iyi nevamwe vakaiona achiti vose vachapera kuita mapofu nekuzvara vana zvirema.Murume uyu ari kubheja kuti mapurisa vakamubata “paroadblock” muHarare aine nyoka mubhegi ari mukombi yaibva kuMbare ichienda kuEpworth vachademba – “vose vakaona nyoka yangu vakandisunga vachapera kuita mapofu vachizvara vana zvirema”.

Grey Mupinganjira (32) akaudza Kwayedza nemusi weChishanu wadarika kuti: “Nyoka iyi inorema, mapurisa aya hongu vaiva pabasa asi apa vakazvidenhera. Mapurisa echirume vakadzi vavo vachaita vana zvirema uyewo echidzimai vanoita zvimwe chete — kuzvara vana zvirema. Izvozvi ndatoona vose vave kuita mapofu munguva pfupi-pfupi iri kutevera.”

Murume uyu anozviti in’anga yemandiriri zvisinei nekuti anoti haana magwaro ekunge achishanda pasi pemasangano anomiririra n’anga kana maporofita zviri pamutemo sere Zinatha.

Mupinganjira akaita mbiri mwedzi wadarika apo akasungwa nemapurisa aine mukweshwa wenyoka yerudzi rwenyamafingu mubhegi apo ainge akakwira mukombi ndokuendeswa kumatare edzimhosva uko akanobatwa nemhosva akaripiswa US$150.

Paaitongwa mudare, Mupinganjira akaudza mutongi wedare kuti pfungwa dzake dzakati kwesere uye nyoka iyi ndeyake yaakaisiirwa senhaka pakafa amai vake.

Paakasungwa, nyoka iyi yakatorwa nevebazi rezvemhuka reNational Parks and Wildlife Management asi Mupinganjira anoti haina kumbonogarako sezvo achiti yakadzoka kumuridzi wayo.

Kwayedza svondo rapera yakatevera Mupinganjira kumusha kwake mubhuku rekwaMuhove, kwaMambo Chihota, ichida kunoona kuti ichokwadi here chaaireva kuti nyoka yaakabatwa anayo kuHarare ikapihwa kune veNational Parks yainge yadzokera kwaari, sekutaura kwake.
Mubhuku raMuhove ndimozve munogara vakadzi vaviri vekumbosungwa mumusha weBudiriro, muHarare, apo “vakanodonhera” pane rimwe sowe reko vachinyebera kuva varoyi.

Pakasvika vatori venhau vakawana Mupinganjira ari mumatare achishopera sezvo achizviti n’anga yemandiriri uye mukamba kaaive makange muzere mishonga yechivanhu, mapfupa nematehwe emhuka, machira emidzimu, midonzvi, hari dzevhu nechimwe chinoshamisa – zvipfeko zvemukati zvechirume zvainge zvakarembedzwa imomo.

Mupinganjira anoti zvipfeko izvi zvinounzwa nemadzimai vanenge vachida kuti varume vavo vagadzirwe nemishonga.
“Ndinonzwira tsitsi mapurisa akandisunga nekuti vakatarisana nematambudziko makukutu ekupofomara maziso nekuita vana zvirema. Ndinoti ngavauye kwandiri ndizovabatsira pachena kana kuenda kune dzimwe n’anga dzinogona vakurumidzirwe,” akadaro Mupinganjira akabata hari yevhu yainge yakasungirirwa mapfupa asina kuzivikanwa kuti ndeeyi asi padenga yakavharwa nedehwe rine mvere.

Asi Kwayedza haina kuona nyoka yaanoti yakadzokera kwaari kwaChihota iyi kunze kwehari iyo anoti ndimo mainogara. Anoti nyoka iyi “yava nechimbwamupengo nekuda kwekubatwa nemapurisa kwayakaitwa”. “Yava nechimbwamupengo uye izvozvi ine huturu hwakanyanya saka hamugone kuiona.”

Chimbwamupengo chirwere chinobata imbwa, makava nedzimwe nyoka asi Kwayedza haina ruzivo rwekuti chinobata nyoka. Kwayedza isati yashanyira murume uyu yakatanga yaenda kuSnake World, pedyo neNorton, uko kwakaiswa nyoka yakabatwa Mupinganjira anayo neveParks and Wildlife ndokuiratidzwa nevashandi veko avo vanoti haina kwayakaenda.

Zvisinei, Mupinganjira anoti nyoka iyi chinongova chimumvuri chete chiri kuonekwa nekuti “yangu yakadzoka kwandiri kare kare”.
Adzvanywa neyekuti airatidze kuKwayedza, akati nyoka iyi yakambobva pamba pake nekutsamwa sezvo kubatwa kwaakaitwa nemapurisa ainayo kwakatyora mhiko dzemachengeterwo ayo uye iri kugara musango.

Murume uyu, uyo anobva kuMulanje, kuMalawi, anoti akapedza kuuraya hama dzake kuburikidza nenyoka nhatu dzaaigara nadzo idzo dzaanoti akasiirwa naamai vake, Dorothy Biton, avo vakashaika mugore ra2006. “Nyoka idzi dzaiva nhatu, macobra ose, asi imwe yaisanduka-sanduka. Mbiri ndakadzidzosera kuMalawi kuna Sekuru Amalume Frank Chimanga kwandakaenda mwedzi mitatu yakadarika kunanasekuru hanzvadzi dzaamai.
“Baba vangu variko kuMalawi, VaAnderson Mupinganjira, asi havanei nehun’anga uhwu, ndehwekumusha kwaamai. Baba nemadzimai avo maviri havatodi kundiona nekundibata kwavanondiita nenyaya dzehuroyi.

“Nyoka yandasara nayo iyi ndaida kunoirasa kun’anga yekumaruva ekuAirport, inonzi Sekuru Muchawa kana kune mumwe muporofita ariko kuti iuraiwe apo ndakazosungwa nemapurisa nekuti yandishaisa mufaro, yapedza hama dzangu. “Hanzvadzi dzangu nhatu dzakapera kufa uye kumusha kwaamai vaperawo,” Mupinganjira akadaro pasina kumanikidzwa.

Nyoka iyi anoti ndiyo yaanoshopera nayo achibatsirwa zvakare nemusoro pamwe nemapfupa egora zviri mumba make. “Vanasekuru hanzvadzi dzaamai vanosanganisira Godfrey Biton naMpepo Bitoni ndakaedza kuvaridzira nhare kuMalawi kuti ndivazivise kuti hun’anga hwavo hwave kundinetsa sezvo nyoka iyi ichida ropa remunhu kupera kwegore roga- roga, asi havasi kubatika.”

Mupinganjira anoti akauraya hanzvadzi dzake nhatu dzinoti Chipi, Mary naEllen Mupinganjira avo vakafa vakatevedzana mumakore anoti 2007, 2008 ne2009. Nyoka iyi anoti zvakare inotora zvirimwa muminda yevanhu izvo zvinoita kuti matura ake agare akazara nezvirimwa kunyange asina kurima.

Mupinganjira, uyu anogara upenyu hwetsvimborume, anoti akarambana nemadzimai maviri nekuda kwenyoka idzi. “Handichada hun’anga uhwu hwandinetsa saka ndakanga ndave kuenda nenyoka iyi kuna Sekuru Muchawa kuHarare pandakazobatwa nemapurisa. Izvozvi handisi kurara, nyoka iyi iri kuuya kwandiri ichiti ndiende ndinoitora.

“Ndinoda kuita sadaka nekubika doro rekuchenura zvakaitika izvi mukati memwedzi unotevera ndobva ndamboenda kuMalawi kunopa vanasekuru zvinhu zvavo izvi. Musikana wangu wandinoda kuroora, Charity Kai**, ave kudawo kundiramba nekuda kwenyaya iyi,” anodaro.
Obvunzwa kuti anogobika sei doro mwedzi unotevera waMbudzi uyo usingaitwe zvose zvechivanhu kana kuroora, Mupinganjira anoti kwavo kuMalawi hakuna zvinoera.

Murume uyu anogara nevazukuru vake, vana vehanzvadzi dzake dzakashaika, avo vaanoti havazive kuti anogara nenyoka mumba.
Mupinganjira anoti anochera nyoka uye akatomborumwa neimwe. “Ndinochera nyoka asi dzinenge dziri dzekuti dzangu nyoka dzandinogara nadzo dziwane chekudya, dzinorarama nekudya dzimwe nyoka.

“Kana kutenga nyoka kune vamwe ndaitenga zvaiita kuti vanhu vaende musango vachinodzichera ndichivabhadhara US$5 kana US$10 panyoka imwe chete. Asi izvo zvekuti ndinotengesa nyoka kun’anga nemaporofita handizvo,” anodaro. Anoti ave kutyira kuti nyoka iyi inogona kumuuraya “nekutsamwa kwayakaita”.

“Tasara tiri 7 mumba maamai vangu saka handichaziva kuti ichauraya ani sezvo gore rave kupera kudai. Pamwe ndini. “Avo vanoti iriko kuSnake World vari kuona mufananidzo kana kuti photo-copy nekuti yangu ini yakadzoka. Pakauya veZTV vakaiona ikashatirwa zvikuru ikabva yazotiza.
“Panyoka nhatu idzi paive naamai vacho vandakazoendesa kuMalawi nemumwe mwana (nzvenzvana) wacho. Amai venyoka idzi vanonzi ‘Akarivhejere’ iyo iri kushandiswa kuMalawi nasekuru vanova n’anga ikoko,” anodaro.

Mupinganjira anoti muhun’anga hwake anorapa zvirwere zvakawanda. Zvakadai, murume uyu anoti abata nyoka dzinodarika 150 idzo anopa kunyoka dzake.  “Amai vangu panguva yavaivawo n’anga vakapedzawo kuuraya hama dzavo nemishonga.” Mupinganjira, uyo anoita basa rekuvaka, anoti aimbonamata chechi yekwaAbraham neyechiMoslem apo aiva kuMalawi.

Murume uyu anobva mumusha mumwe chete nemadzimai aye ekumbozviti varoyi “ndokudonhera” parimwe sowe kuBudiriro, muHarare — Elnetty Mbewe naChristine Nyamupandu. Musha mumwe chete uyu ndiwo zvakare unobva mukomana akashandiswa nemadzimai aya kubata zizi muchigayo iro rakanoshandiswa kunyepera zvehuroyi kuHarare.

Mupinganjira anoti haana matsamba ehun’anga sezvo aishandiswa naamai vake akatsvira mumba. Sabhuku Muhove, VaGardner Muhove, havana kuonekwa pakashanyira Kwayedza kudunhu iri kuti vataure nezvenyaya iyi. Zvichakadai, vachengeti venyoka kuSnake World vanoti Mupinganjira ari kunyeba kuti nyoka yaakasungwa anayo yakadzokera kwaari.

VaBrown Singano (80) naVaTafadzwa Bhaudhi (22) vakaratidza Kwayedza nyoka yavanoti ndiyo yakawanikwa iina Mupinganjira paakasungwa nemapurisa. “Anonyepa murume uyu, nyoka tinayo. Mumwe wevanhu vanobata nyoka vachitengesa,” vakadaro VaSingano.

Mupinganjira akapihwa samanisi naMambo Chihota kuti apinde mudare ravo nekuda kwenyaya iyi asi pari zvino nyaya iyi yakambomiswa ichinzi itange yambopirwa kumasvikiro edunhu iri.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×