‘Ndinoshinhira zvipfeko zvemukati’

Kingstone Mapupu
GREY Mupinganjira (32) wekwaChihota, uyo anozviti in’anga yemandiriri, anoti anogadzira kana kuti “kusota” varume nemadzimai vanoita zvegumbo mumba, gumbo panze. Murume uyu anoti muwanano, akangave murume kana mukadzi, hapana asingade kudiwa nekudaro vamwe vanokuchidzira rudo vachishandisa mishonga yake.

Mupinganjira anoti kune vamwe vakadzi nevarume vanoenda kwaari nezvipfeko zvemukati zvevadikani vavo vachida kuti azvigadzire nemishonga.

“Vamwe vanouya nekuda kwekunetsana nevarume mudzimba, vaya vanopoya mudzimba dzavo vachinodanana nevamwe vakadzi kana varume. Ivava ini ndinogadzira voshaya shungu nemamwe madzimai kana varume kunze kwewake chaiye bedzi,” anodaro Mupinganjira.

Anoti zvakare mamwe emadzimai anoenda kwaari nezvipfeko zvemukati izvi anenge achida kudzokerana nevarume vavanenge vambosiyana navo.

“Varume vane zvipari ndivo vamwe vanonyanya kutorerwa zvipfeko zvavo nemadzimai vachida kudiwa kudarika vamwe. Zvipfeko izvi zvinotorwa zviine tsvina zvounzwa kuno, tozvigadzira kana kusota.

“Nyaya iyi iri paviri zvakare sezvo vamwe varume vachiuyawo nezvipfeko zvemukati zvemadzimai avo vachida kuti zvigadzirwe. Kozotiwo mamwe madzimai anouya nezvipfeko zvevakadzi vavanenge vachirwisana navo pakudanana nemurume mumwe chete kuti vagadzirane mumwe arambwe kana kurwariswa,” anodaro.

Mupinganjira anoti pakugadzira zvipfeko izvi, pane zvimwe zvaanoramba kuita zvichienderana nemamiriro anenge akaita nyaya yacho.
“Pazuva ndinogona kuwana vanhu vanodarika gumi asi chikamu chikuru chemadzimai vanouya nematambudziko akasiyana neaya.”

Kwayedza payakashanyira murume uyu yakawana mumba make makarembedzwa zvipfeko zvemukati zvakasiyana, kusanganisira chimwe chemunhurume icho chaive chakakononona netsvina chakasungirirwa pajira reresto.

Mupinganjira akati zvipfeko izvi zvaive zvakamirira kutorwa nevanhu vakazviunza uye panguva iyi “zvaibikwa” nemishonga.
“Ukaona taisa rako bhurugwa panatateguru apa, toteketa zita rako nemutupo wako nezita remukadzi akupengesa iyeye, unopera chete, unodzoka kumba wadzikama watonhorerwa,” anodaro Mupinganjira.

Zvisinei, Kwayedza haina humboo hwekuti zvinotaurwa nemurume uyu zvinoshanda sezvo mazuva ano kwawanda n’anga nemaporofita venhema.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×