Wenger ofungira vamwe vatambi

ARSENE Wenger anoti anofunga kuti panogona kunge pane vamwe vatambi veDinamo Zagreb vari kutora zvinodhaka zvisingatenderwi, apo vakamirira kunzwa zvichabuda mutsvakiridzo yeUEFA, zvichitevera kubatwa kwakaita mutambi wekuCroatia Arijan Ademi kuti akatora zvinodhaka pavakakunda Arsenal 2-1 mumutambo weChampions League.

Achitaura svondo rino apo chikwata chake chaigadzirira kusangana neBayern Munich mumutambo weChampions League kuEmirates, Wenger akati anofunga kuti pane vatambi veDinamo Zagreb vakawanda vaitora zvinodhaka.

“Pandakaona kuti mutambi weZagreb abatwa nemhosva yekutora zvinodhaka, apa imi munenge musiri kutamba zvemhando yepamusoro ukuwo wamuri kutamba naye akadhakwa, zvinonetsa.

“Ndakashamisika kunzwa kuti ndiAdemi nekuti ange asingatambe kare uye akazongotamba nesu chete. Asi tinofanirwa kumirira kunzwa kuti zvichabuda sei mutsvakurudzo dziri kuitwa.

“Mitemo, mitemo uye handikwanise kuishandura. Handifunge kuti zvakabuda mumutambo uyu zvichashanduka.”
Akawedzera achiti: “Hatina kutamba zvinonwisa mvura mumitambo miviri yekutanga yeChampions League uye tainge tisina mhanza ndichitarisa hangu matambiro atakaita.”

Wenger akati anoona kuti mutambo wenhabvu uchakanganiswa nevatambi vanotora zvinodhaka uye mitemo yekuongorora vatambi vose haina kunyatsosimba.

“Takaronga mitambo yeWorld Cup kare ine vatambi 740 uye hapambowanikwe nyaya dzevatambi vanobatwa vachitora zvinodhaka mumiviri, asi handizive kana chiri chokwadi ichocho,” akadaro.

Dinamo Zagreb inonzi haisi kuzorangwa neUEFA kunyangwe hazvo Ademi akabatwa nemhosva iyi.
Mutambi uyu, uyo ane makore 24 okuberekwa, akatambira zvose Croatia neMacedonia. Akatamba mutambo wose apo Dinamo yakakatyamadza vanhu nekukunda chikwata chekuLondon ichi 2-1 kuCroatia mwedzi wadarika.

Asi UEFA yakazivisa Sportsmail kuti zvirango zvinotemerwa pazvikwata zvakasiyana zvinenge zvaonekwa kuti vatambi vaviri kana vatatu vanenge vabatwa nemhosva iyi. — Daily MailOnline

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *