Mapurisa batai nhubu: Zifa

XOLISANI GWESELA
XOLISANI GWESELA

SANGANO renhabvu reZimbabwe Football Association rinoti mapurisa anofanira kusunga vatsigiri venhabvu vanokonzeresa mhirizhonga kunhandare dzenyika dzakasiyana apo zvikwata zvavo zvinenge zvakundwa.
Izvi zvinotevera kufa kwakaita mumwe mutsigiri weHighlanders nguva diki yadarika mushure mekumuka kwemhirizhonga pakati pevamwe vatsigiri vechikwata ichi neveDynamos. Mumutambo uyu Dynamos yakahwina 1-0.

Zvakadai, Zifa inoti inoda kuona nhubu dzose dzinokonzeresa mhirizhonga kunhandare dzenhabvu dzichisungwa nekuti dziri kusvibisa mutambo uyu. Anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuZifa, Xolisani Gwesela, anoti mapurisa ngavasunge nhubu idzi dzivharirwe mujeri. Gwesela anoti hazvitenderwe kupinda nemabhodhoro ehwahwa munhadhare dzenhabvu nekuti anogona kushandiswa zvisirizvo.

Anoti vatsigiri venhabvu vanofanirwa kutambira zvinenge zvabuda mumutambo kunyangwe chikwata chavo chahwina kana kukundwa.

“Nhabvu mutambo wekufara chete kwete zvemhirizhonga, isu tinoda kuona mhuri dzichiuya kuzofara pamwe chete dzichiona mutambo uyu.

“Zvinonyadzisa kuona vanhu vachitemana nemabhodhoro zvakadaro vachikuvadzana nekuti chikwata chavo chakundwa. Vatsigiri venhabvu ngavabvume kuti chikwata chavo chakundwa zvopfuura kwete kutemana nemabhodhoro, chaunenge wagona ipapo chii manje?

“Mapurisa tiri kuvakurudzira kuti vasunge nhubu idzi nekuti isu chatinoda kuona vanhu vachifara chete kunhandare dzenhabvu vachitsigira zvikwata zvavo.

“Chimwe chinhu, tinoda kuti vatsigiri venhabvu vapote vachisechwa pavanopinda munhandare kuzoona nhabvu nekuti vamwe vari kupinda nezvinokuvadza.

“Doro harifanirwe kupinda munhandare nekuti kana vamwe vanhu vadhakwa vane kahunhubu kavanenge vave kuita ako kanokonzeresa mhirizhonga,” akadaro Gwesela.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×