Mapurisa eppu otendwa

MAPURISA echikamu chePolice Protection Unit (PPU) anoti akazvipira kushanda nesimba mukuchengetedza nyika pamwe nevakuru-vakuru veHurumende sezvinotarisirwa pasi pegwaro remashandiro avo, reClient Service Charter.Mashoko aya akataurwa muHarare svondo rapera naOfficer Commanding Police Protection Unit, Senior Assistant Commissioner Lee Muchemwa, apo vaiparura zviri pamutemo gwaro reClient Service Charter.

“Gwaro iri rinotsanangudza donzvo redu seZimbabwe Republic Police Protection Unit rinovapo pakuvandudza kuchengetedzwa kwemitemo, vakuru-vakuru veHurumende pamwe neveruzhinji. Tine tarisiro yekuti panosvika gore ra2020, tinenge tave padanho repamusoro mukuchengetedza mutemo sezvinotasirirwa pasi rose,” vanodaro.

Snr Ast Comm Muchemwa vanoti vanotenda zvikuru mapurisa ari pasi pechikamu chePPU nekuzvipira kwavari kuita mubasa ravo.

“Ndinoda kupa kutenda kumapurisa nekuda kwehushingi nehungwaru hwavo mukuchengetedza vakuru-vakuru veHurumende pamwe nevamiriri vedzimwe nyika. Ndinoti rambai makadaro mumakore anotevera,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tinovimbisa kuramba tichishanda nesimba nekuchengetedza mitemo pasina tsvete nekudzivirira kuparwa kwemhosva munyika. Pamusoro pezvo, ticharamba takazvininipisa nekutevedzera mitemo nguva dzose mukuita basa redu.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *