Ticha Danga—
TAKABATA matanho matatu ekuyaruka mupfungwa tichitevera pfungwa dzemufudzi mukuru Piaget maererano nevana kubva pakuzvarwa dakara kuchembera. Piaget anoti danho rekupedzesera rekuyaruka rinobata vana vane muzera wemakore anobvira pagumi kusvika mukuchembera. Danho irori ndiro rinobata vana vane zera nevaya vakanyora bvunzo dzegwaro rechinowe avo vave kuda kuenda kudzidzo yepamusoro. Iyi yanyanya kundinakidza nekuti ndipo vana vava kunosangana neshanduko mukukura pamhumhu nepfungwa.
Pazera irori mwana haachafariri zvengano zvikuru uye vava kuziva chose kuti mhuka hadzitauri. Mwana uyu zvekare haachamiriri kuwana mhinduro kana kupedza dambudziko achishandisa zvibatwa kana midziyo. Ava kugona kufunga zvakadzama achigadzirisa zvinhu asina chaashandisa chamaoko kunze kwepfungwa.
Kana akapihwa pfungwa kana mashoko, ava kukwanisa kupa hurongwa hwakakwana hunovhara chikamu ichocho muchehetere. Ava kugona kupa mutongo wakakodzera ega mushure mekuera zvinhu kana mamiriro ezvinhu. Hunyanzvi hwevari muzera iri hunoonekwa pakugona kupa pfungwa dzakakodzera pakugadzirisa nekupedza dambudziko.
Kana wasvika pazera irori, wava kutarisirwa kupa pfungwa ingashanda kupedza dambudziko chero zvazvo pasina humbowo hunoratidza kuti zvinoshanda (hypothetic deductive thinking). Vana ava vava kukwanisa kupidura mibvunzo inoda pfungwa dzavo.
Zvoreva izvo kuti rondedzero dzatinenge tonyora dzinofanirwa kuchidzama uye dzinofanirwa kuratidza pfungwa dzemunhu kuti dzakayaruka sei. Nemhaka yekuyaruka mumhumhu, vanhu vanotarisirawo kushandiswa kwepfungwa kwemhando yepamusoro. Ndipo pamunonzwa vamwe vachitsiurwa kuti, “haadi kukura nei” nekuti pfungwa dzaanenge achiburitsa hadzisi dzezera rake.
Vamwewo varume vachizeya dzemusha vonzi, “endai munovhiya mbudzi” vamwe vachironga.
Kubva panotanga zera irori panoita zvakawanda zveshanduko kusvika pamuviri chaipo. Izvi zvinobva zvareva kuti vana vanotarisirwa kushandukawo mumatambiro, mafambiro, matauriro kana mapfekero. Ziso renyika rinenge rave pamuri.
Kana mohwerengedza svomhu zvava kuda ruzivo rwakadzama pasisina zvekuverenga matombo kana zvigunwe. Panenge poda kushandisa ruzivo rwakadzidzwa kupedza dambudziko. Mashandisiro anoitwa pfungwa pakupedzwa kwedambudziko anodudza ramangwana remunhu .
Pamunoenda kuchikoro chapamusoro (secondary) munopihwa makore maviri ekuti muongororwe kuti mungazoitei muupenyu. Vaongorori kana vaona kuti pfungwa idzi dzakayaruka dzakapinza zvekugona kuhwerengedza svomhu nekupa nzira dzekupedza matambudziko mune zvidzidzo zvakaita se‘Science’ nezvimwe zvakarerekera ikoko, vanobva vakupai bandiko rakaringana kuti muenderere mberi nehunyanzvi ihwohwo mugozovawo ana chiremba.
Mabasa amuchazoitawo muupenyu anoenderana nemayarukiro akaitawo pfungwa dzenyu.




