Mapurisa oendesana kudare

Yvonne Chipato
MUPURISA akaendeswa kudare nemukadzi wake uyo waanoita basa rimwe chete naye achinzi haasi kuchengeta mwana wake mushure mekunge atiza pamba.
Nomatter Manenji akaendesa Wilfred Manenji kuHarare Civil Court achiti anoda $200 yemendenenzi.“Patakaroorana nekubereka mwana hatina kunge taronga kuti tichatizana asi kuti tichachengeta mwana pamwe chete semhuri nababa ava. Kubva paakanditiza handina kugara upenyu hwakanaka sezvo zvichida kuti tibatsirane kuchengeta mwana,” akadaro.

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akati nyaya yevaviri ava idzoke mudare mushure mekunge Nomatter auya neumboo hunoratidza mari inowanikwa naWilfred.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×