‘Tawana mukana’

Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti kuuya kwemushonga wekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 (vaccines) kunopa mukana mukuru wekuti nyika dzirwise denda iri zvine mutsindo nekudaro mukana uyu haufanirwe kutambiswa.
Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChishanu chadarika vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland – Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus – vanoti kana mushonga uyu ukashandiswa nenzira dzakanaka, unobatsira zvakanyanya kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Vanoti pakatanga denda iri gore rapera, nyika dzose dzakakurudzirwa kuti dzitore matanho ekuedza kumisa kupararira kwaro apo dzimwe dzakaterera zvaitaurwa asi dzimwe hadzina kukoshesa kurudziro iyi.

“Iye zvino mushonga wekudzvirira chirwere ichi uri kutipa mumwe mukana zvakare wekumisa kupararira kwedenda iri uye hatifanirwe kuutambisa zvachose,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti pasi rose rasvika panguva yakakosha panyaya yekurwisa Covid-19 nekudaro panofanirwa kuve nekubatana uye kushanda pamwe chete mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Kana munharaunda mukaita moto unenge uchida kupisa dzimba, hazvina musoro kuti vanhu vashoma-shoma vabate midziyo yekudzimisa moto uyu uye vachidzima padzimba dzavo chete, asi kuti unodzima nekukasika kana vanhu vose vemunharaunda vakabatsirana kuudzimura uye vaine mwoyo mumwe chete. Mushonga uyu wavepo uye uchakwanirana nevanhu nekufamba kwenguva asi pari zvino uchiri kushomeka nekudaro tinofanirwa kuushandisa zvakanaka uye pasina rusarura.

“Mashoko angu kuhurumende dzepasi rose ndeekuti pari zvino koshesai kubaya majekiseni aya kune vashandi vezveutano vari pamberi panyaya dzekurwisa chirwere ichi uye nevanhu vakwegura,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti pari zvino vanhu vanodarika 100 miriyoni pasi rose vawanikwa vaine chirwere ichi apo 2.2 miriyoni vafa nedenda iri.
Dr Tedros vanoti vanhu vabatwa neCovid-19 masvondo mashoma adarika vakawanda zvikuru kana zvichienzaiswa nevaive nedenda iri mwedzi mitanhatu yekutanga parakatanga.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×