Mapurisa otsvaga hama dzemurume akafa atsikwa nemotokari

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo ari kutsvaga hama dzemurume asiri kuzivikanwa uyo akatsikwa nemotokari uye ane mutumbi uri kumochari yechipatara cheNdanga Hospital.

Mushakabvu uyu anonzi akatsikwa nemotokari isina kuzivikanwa muridzi wayo nemusi wa7 Mbudzi pachinhambwe che57 km peg mumugwagwa Roy-Chiredzi nenguva dza0015 hours.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti murume uyu aiva asina magwaro ekuzvarwa, matsamba anotaridza kuti aigara kupi kana zita rake.

“Mapurisa achiongorora mutumbi uyu, havana kuwana magwaro ekuzvarwa kana zvinotaridza kuti anogara kupi. Ikurudziro yedu kuti vanhu pakufamba vaone kuti vane magwaro here ekuberekwa uyewo nemagwaro anotaridza kwavanogara. Mutumbi uyu ndewe munhurume angangoita makore ari pakati pe30 kusvika 40, akareba mamita 1,6 uyewo ari mushava,” vanodaro Insp Dhewa.

Muviri wemushakabvu uyu unonzi uri pakati nepakati, aiva akapfeka t-shirt yeblue, chikabudura chekhaki nemasandals egrey.

Insp Dhewa vanokurudzira veruzhinji vanoziva murume uyu kana hama dzake kuti varidze nhare kuna Officer In-Charge ZRP Gutu Traffic, Inspector Fortune Chiwaya, panhamba dzinoti 0773 558 834 kana 0392262822.

Vanokwanisa zvakare kutaura naInvestigating Officer, Constable Merline Chinguwa, panhamba dzinoti 0773 279 001.

“Tinoyambirawo zvakare vatyairi kuti vakange vaita tsaona dzekutsika vanhu, vasatize asi kuti vamire vozivisa mapurisa nekuti hakuna mhosva inorova. Nyaya dzakadai dzinozongobuda chete vachisungwa,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×