‘Marara pose pose kwete’

VASTEADY KANGATA
VASTEADY KANGATA

Nyasha Mutena
VERUZHINJI pamwe nevemakambani vanokurudzira kuti vasasvibise nharaunda dzavo kuburikidza nekungorasa marara pose pose nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwezvirwere pamwe nekuchengetedza nharaunda dzakachena. Kurudziro iyi yakabva kuna VaSteady Kangata, avo vanova mukushi wemashoko kusangano reEnvironmental Management Agency (EMA) pamusangano wavakaita nguva pfupi yadarika nemapoka akasiyana muHarare.

VaKangata vakati kuchengetedzwa kwenharaunda kunoda muonera pamwe apo veruzhinji vanobatsirana nevemakambani.
“Ngatibatanei tose makambani pamwe nesu veruzhinji, dambudziko rehutsvina mumigwagwa rinopera. Kungoziva kuti ibasa rangu kuona kuti nzvimbo yandinogara uye nzira yandinofamba yakachena tinotoona kuti hutsanana kunochengetedzwa,” vakadaro VaKangata.

Vakati imwe nyaya inokonzera huwandu hwemarara itsika yekutenga zvinhu zvichiiswa mumapepabhegi ezvikweshe ayo anogona kuzongoraswa pose-pose.

VaKangata vakaenderera vachiti marara ose anogona kuvandudzwa ogadziriswa zvakasiyana-siyana zvakadai semabhodhoro epurasitiki anoswa zvinhu zvakaita sezvinwiwa pamwe nematishu nokudaro anofanira kuchengetedzwa panzvimbo dzakafanira pane kungoraswa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×