Pfuti yakatsiviwa nedovi

VaLameck Mazowe vachikuya dovi panzvimbo yemabhizimusi yeNyamatikiti, kuRushinga nguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Memory Mangombe
VaLameck Mazowe vachikuya dovi panzvimbo yemabhizimusi yeNyamatikiti, kuRushinga nguva pfupi yadarika. – Mufananidzo: Memory Mangombe

Memory Mangombe
MURUME wekuNyamatikiti, kuRushinga, uyo ari pamudyandigere, oita zvinorova kuburikidza nebhindauko rekukuya dovi achitengesa.
VaLameck Mazowe vanoti vakwanisa kusimudzira upenyu hwavo kuburikidza nebhindauko iri. “Mushure mekuenda pamudyandigere apo ndaishanda muchiuto ndakafunga kuita zvekukuya dovi ndichishandisa muchina,” vakadaro.

VaMazowe vanoti dovi ravo havana dambudziko rekuwana kwekutengesera sezvo vari pedyo nechikoro chebhodhingi, cheNyamatikiti High School, uko vanotengesera pamwe nekuvanhu venharaunda.

“Ipfungwa yakauya kwandiri nechinangwa chekusada kugarira mawoko.”
Vanoti pazuva vanokwanisa kukuya dovi rinogona kuzadza mabhagidhi matanhatu.

VaMazowe vanoti dambudziko ravari kusangana naro ndere nzungu, iro rinombodzorera basa ravo shure. Vanokurudzira vamwe vanhu kuti vasagarire mawoko asi kuti vatange mabhindauko anovapundutsa.

“Zvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu uwane raramo,” vakadaro.
VaMazowe vanoti kuburikidza nekukuya dovi, vakakwanisa kutenga pekuvakira chitoro chavo panzvimbo yemabhizimisi yeNyamatikiti pamwe nekutanga rimwe bhindauko rekuchengeta nguruve vachizodzitengesa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×