Marata epachikoro akatenga ma’mask’

Ray Bande
APO zvikoro zviri kugadzirira kuvhurwa, mumwe mukuru wechikoro chiri kuChipinge anonzi akatengesa marata nezvimwe zvinhu zvaive zvakashandiswa kupfiririsa matenga edzimba nhatu dzekufundira achida kuunganidza mari yekutenga mamasiki ekupfeka kumeso.

Magwaro ezvinyorwa zvemusangano weSchool Development Committee (SDC) uchangobva kuitwa pachikoro ichi ayo atiinawo, anoratidza kuti mukuru wechikoro cheMundanda Primary School, Muzvare Eve Zuze vanobvuma kuti vakatengesa zvinhu izvi.

Zvinhu izvi zvinosanganisira mazenge 300 nemariji acho 130, mapuranga (90x6m) pamwe chete nezvimwe zvaida kushandiswa mukuvaka mupanda wekushandira pachikoro apa (administration block).

Nyakuburitsa gure iri, VaLyton Dhliwayo, vakaudza vatori venhau kuti mukuru wechikoro ichi akataura kuti akatengesa midziyo iyi achida kutenga zvinhu zvakasiyana zvechikoro, kusanganisira mamasiki evana neevarairidzi.

“Hatisi kufara nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu paMundanda Primary School. Takatoziva tave mumusangano weSDC kuti midziyo yainge yakashandiswa kupfirira makirasi matatu aya yakatengeswa nemukuru wechikoro.

“Akazvipira kuburitsa marisiti ezvaakatenga achishandisa mari yaakawana mushure mekutengesa zvinhu izvi asi vabereki havana kuzvigamuchira zvachose.

“Pane imwe kambani inoita nezvenhare yakange yazvipira kuvandudza dzimba dzekudzidzira idzi. Asi takazoshamisika kunzwa kuti midziyo iyi yakatengeswa,” vanodaro.

Mumiriri weChipinge East mudare reNational Assembly, VaMateo Mlambo, vanotsinhira nyaya iyi.

“Sevatungamiriri venzvimbo, tiri kuongorora mafambiro akaita nyaya iyi. Tose tiri kushingairira kuti chikoro ichi chibudirire asi nyaya iyi yave kutidzosera kumashure,” vanodaro VaMlambo.

Mashoko avo anotsinhirwa naSabuku Pardon Mundanda vachiti nyaya iyi inoda kuongororwa zvakadzama.

“Zvainge zvakapfiriswa makirasi aya zvakabviswa mushure mekunge muchenje waparadza zvimwe zvezvivakwa izvi. Makirasi aya aifanirwa kunge akavandudzwa uye takashamiswa kunzwa kuti midziyo iyi yakatengeswa pasina kupihwa mvumo,” vanodaro.

Vachibvunzwa nezvenyaya iyi, Muzvare Zuze vanoti havana zvizhinji zvavanokwanisa kutaura.

“Imbomirai makadaro nenyaya iyoyo kusvikira ndataura nevakuru vangu. Munogona kutaura nevakuru vangu mushure meawa imwe chete, panguva iyoyo ndinenge ndataura navo,” vanodaro.

Mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba havana kukwanisa kubatika kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

Asi chamangwiza weChipinge Rural District Council, VaBlessing Mamvosha vanoti vakatumira chikwata chavo kuti chinoongorora mafambiro akaita nyaya iyi.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×