Mari nezvekudya kune vanoshaya . Vanozvishandira vapihwa $89m

Enacy Mapakame

HURUMENDE yakapa rubatsiro rwe$89 miriyoni pasi pehomwe yekuyamura vanhu vanoita mabasa emaoko munyika yose zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa raramo yavo nechirwere cheCovid-19.

Bazi revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya rinoti mumagwaro aro rine vanhu vanoita mabasa emaoko vanosvika 309 146 avo vane raramo yakakanganiswa nekuuya kwechirwere ichi.

Zvisinei, huwandu uhu huchakaderera sezvo vamwe vanoita mabasa akadai vasati vanyoresa kuHurumende.
Huwandu hwevanhu vanoita mabasa emaoko vakanyoreswa uhu hwakabva kumasangano anovamirira achishanda pamwe nebazi revanhukadzi nekusimudzirwa kwemabhizimisi ari pakati nepakati.

Vachitaura pachirongwa chepadandemutande pamusangano wePublic Finance Management Reform Indaba, uyo wakarongwa nesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development (ZIMCODD), VaTawanda Zimhunga – avo vainge vakamirira bazi revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya – vanoti kunyoreswa kwevanoita mabasa emaoko vakakanganiswa nekuda kweCovid-19 kuri kuenderera mberi kumatunhu ose enyika.
“Kunyoreswa kwevanhu vanoita mabasa emaoko kwakakanganiswa neCovid-19 uye pari zvino vakanyoresa i309 146 apo mari inosvika $89 miriyoni yakatogoverwa.
“Kunyoreswa kwevanofanirwa kunge vachibatsirika pasi pechirongwa ichi kuchiri kuenderera mberi uye vanoda kunyoresa vanokwanisa kuenda kumahofisi eDistrict Social Development ari kumatunhu avo,” vanodaro VaZimhunga.

Hurumende iri kuita zvakare chirongwa cheFood Deficit Mitigation Programme chekubatsira vanotambura nechikafu.
Pasi pechirongwa ichi, chibage chinosvika matani 8,8 miriyoni chakatopihwa kune vanoshaya kumaruwa kubvira pakutanga kwegore rino apowo mhuri dzinotambura 51 557 dzekumadhorobha dzakapihwa $30 miriyoni kubva munaGumiguru kusvika Mbudzi wegore rapera.
Zvisinei, VaZimhunga vanochema-chema nenyaya yekushomeka kwevashandi vanobatsira vanotambura munyika izvo vanoti zviri kukonzera kunonoka kwekunyoreswa kwevanoda rubatsiro.

Vanoti vari kuita hurukuro nebazi rezvehomwe yenyika nechinangwa chekuti mari iri kupihwa vanotambura pamwedzi iwedzerwe.
Vachitaura pachirongwa chimwe chete ichi, VaSamuel Wadzai, vanove executive director wesangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation (VISET), vanoti kunyangwe zvazvo Hurumende iri kuita basa guru rekubatsira vanoita mabasa emaoko, zvakawanda zvinoda kuitwa kana pachitariswa kuti mabasa avo akakosha mubudiriro yenyika.

“Kana tichitarisa nyaya dzebhajeti renyika nekuzogoverwa kwemari yacho, zvinoratidza kuti tiri kuperevera panyaya yekusimudzira vanoita mabasa emaoko kunyangwe zvazvo chikamu ichi chakakosha, ndicho chinopinza mabasa vechidiki,” vanodaro.

VaWadzai vanoenderera mberi vachiti, “Hurumende inokwanisa kuita zvakawanda mukubatsira chikamu ichi. Pane kunonoka kwakanyanya panyaya yekugoverwa kwemari iyi kunyangwe zvazvo chirongwa ichi chakaparurwa munaKurume gore rapera uye vanhu vakazotanga kuwana mari iri gore radarika rave kunopera.”

VaWadzai vakakurudzira vanoita mabasa emaoko kuti vanyorese kuHurumende sezvo zvichibatsira ivo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×