Sabhuku haape matsamba: ZRP

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti madzishe, masabhuku nevamwe vatungamiriri venharaunda havana mvumo yekunyorera vanhu matsamba ekuti vashandise pakufamba (exemption letters) sezvinodiwa nemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-18.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kune mashoko ekuti vamwe vatungamiriri vematunhu semadzishe nemasabhuku vari kunyorera vanhu matsamba ekufambisa vachivabhadharisa mari dzechiokomuhomwe.

“Munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19, Hurumende yakaisa mutemo wekuti vanhu vagare kudzimba uye vane kodzero yekufamba vopihwa matsamba nemakambani kana mapazi avo anokodzera kunge achishanda panguva ino. Pamusoro pezvo, mapurisa anopawo matsamba ekufambisa kuvanhu vakakodzera kwete masabhuku nemadzishe nevamwe vatungamiri vemunharaunda – havana mvumo yekuita izvi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoendeera mberi vachiti, “Masabhuku nemadzishe ari kunyorera vanhu matsamba hazvisi pamutemo. Hazvikwanisike kuti sabhuku kana mambo anganyorere munhu tsamba yekuti abve sekuBocha, kwaMarange kuenda kuHarare kana kuti kubva sekuHurungwe kuenda kuHarare. Tinonzwa zvakare kuti vamwe vavo vari kubhadharisa vanhu vari kuda matsamba aya mari, inova mhosva. Huwori huri pachena.”

Vanoti maitiro akadai aya anodzosera kumashure zvikuru matanho ari kutorwa nenyika mukurwisa kupararira kwechirwere chekuCovid-19.

“Hatitarisire kuita kwakadai kubva kumasabhuku edu nemadzishe avo vatinotarisira kuti vanotibatsira kuchengetedza mitemo.”

Asst Comm Nyathi vanoti matsamba ekufambisa aya, kune vane kodzero yekuanyora uye haabhadhariswe sezvo achipihwa pachena.

Kwayedza ine tsamba inoratidza kuti yakanyorwa naSabhuku Mwaguto vekudunhu raMambo Mutambara, kwaNhedziwa, kuChimanimani iyo yakapihwa mumwe mudzimai kuti ashandise pakufamba.

Tsamba iyi ine kero yepachikoro cheMutendeudzo School uye yakapihwa kuna Constance Tsvaki kuti aishandise kubva kuChimanimani kuenda kuHarare.

Mumwe munhu akataurwa naye neKwayedza anobva kwaMutambara, uyo akaramba kudurwa zita rake, anoti vanhu vakawanda vari kupihwa tsamba idzi vachida kufamba nzendo vozoguma vadzoswa nemapurisa vachinzi tsamba dzavo hadzikodzere.

“Kuno matsamba ari kunyorwa nemasabhuku nemadzishe anonzi ndeekufambisa tichidarika mumarodhibhuroko. Chinonetsa ndechekuti unenge wabhadhara mari yekunyorerwa tsamba iyi asi wozoburutswa mubhazi macho wotanga kufamba zvakare kudzoka kumba, dzimwe nguva netsoka sezvo unenge usisina mari. Pamwe tinobvisiswa mari inonzi yedare kana kuti ye’ink’ ichidaidzwa kuti ‘ink fee’,” anodaro murume uyu.

Mari iyi inonzi inotangira paUS$2 kusvika US$5.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×