‘Mari yaperera muzvikwereti zvemukadzi’

NYAKUTI akapedzera mari mukubhadhara zvikwereti zvemukadzi waakarambana naye akachema-chema mudare achiti haakwanise kubvisa mari yemendenenzi yaidiwa.
Nommatter Chideu akaenda kuHarare Civil Court achiti anoda mendenenzi kubva kune aimbova murume wake, Shepherd Lapuseni.

Akaudza mutongi wedare kuti: “Baba ava kubva zvatakasiyana ndini ndega ndiri kuriritira vana. Ndiri kushaya kuti ndoita zvekudii nevana vatakaita tese iye achizvichengeta nekugara upenyu hwepamusoro. Ndiri kukumbirawo andipe $200 yekuriritira vana vaviri vaakandisiira achifunga zvekutanga zvitsva.”

Chideu akaenderera mberi achiti Lapuseni ane basa rinomupa mari zvekuti anokwanisa kubhadhara uye haasati ava neimwe mhuri.

“Murume uyu anoita zvekutengesa mombe nechibage kunzvimbo dzisina kunyatsoibva nemari yepamusoro. Izvi zvinomupa mari inosvika $800 pamwedzi kana kutodarika. Ndinozviziva nekuti patanga tiri tese ndini ndaitobata mari yacho uye achiri kuzviita sezvo tisina kusiyana kare.

“Takagara tese makore 9 achiita izvozvo, ndizvo zvaitiraramisa makore ese iwayo. Haafanire kunyepera dare achiti haana basa raari kuita,” akadaro.

Lapuseni akaudza dare kuti mari yakataurwa iyi haaikwanise sezvo akambomira kuita basa raimupa mari nekuda kwezvikwereti zvemukadzi uyu zvaakabhadhara.

Akati: “Mukadzi uyu akandiparira zvekuti mari yaari kutaura handizivi kuti anofunga kuti ndinoiwanepi nezvaakandiitira. Patakarambana akanga aine ‘saga’ rezvikwereti, vanhu vese vaakanga akakwereta vaingouya pamba pangu vachiti ndini ndaifanira kuvapa mari idzodzo nedzimwe dzaakanga asina kumbondiudza.

“Mari yandaifanira kuenderera mberi ndichiita zvekutengesa mombe pamwe chete nekutenga yakabva yaperera kuzvikwereti mwedzi mumwe chete iwowo watakarambana. Pari zvino hapana zvandiri kuita zvinondiwanisa mari, ndiri kutochengetwawo neshamwari yangu. Ini pachezvangu ndiri kutotadza kuzvichengeta nekuda kwezvikwereti zvake izvozvo zvandakabhadhara.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava idzoke mudare.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×