Mari yechikoro yakadyiwa

mari
MUMWE mukuru wesangano rinobatsira nherera nevana vane utachiona hweHIV neAids, reKubatana Christian Support Services (KCSS), kuChitungwiza, akavharirwa mujeri achimirira kutongwa zvichitevera nyaya yaari kupomerwa yekutora zvisina mvumo US$3 000 yakange yabva kuvakotseri iyo yaifanira kubhadharirwa vana chikoro ndokuishandisa zvaanoda.

Muchuchisi weChitungwiza Magistrates’ Courts, Tendai Mukariri, akati Hosea Ambassador Simbi (37), uyo anova mukuru weKCSS, akasungwa mushure mekunge atora mari yevana ava ndokurega kuvabhadharira chikoro kusvikira vadzingwa.

Mari iyi inonzi yakange yabviswa nevamwe vakotsveri vanosanganisira masangano anobatsira nherera nevana vane utachiona hweHIV neAids.
Simbi anonzi akaenda kumasangano akasiyana-siyana achitsvaga mari yekuti vana vanove nhengo dzesangano rake vabatsirwe.

Mari iyi inonzi yakazonzi naSimbi ibatwe neKCSS iye ozopa zvikoro zvakaita seYoung Africa Skills nezvimwewo asi haana kuzoita sekudaro.
Vana ava vanonzi vakazodzingwa chikoro mushure mekunge mari iyi isina kubhadhara zvikazoita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa Simbi ndokusungwa. Pamari yose iyi hapana yakawanikwa.

Mutongi Lazarus Murendo akati Simbi aifanira kumbovharirwa mujeri kusvikira nyaya yake yadzoka zvakare mudare nemusi wa13 Chikumi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×