MaSanctions itori hondo’

Abel Ndooka

SACHIGARO wesangano reCoalition Against Sanctions – iro riri kurwisa kuti zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvo zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumadokero zvibviswe – Cde Jimayi Muduvuri, vanoti zvirango izvi itori hondo chaiyo kuzvizvarwa zveZimbabwe.

Nemusi weChishanu svondo rino, nyika dzose dziri mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc) dzichabatana neZimbabwe mukutaura neizwi rimwe chete kuti zvirango izvi zvibviswe.

Muhurukuro neKwayedza, Cde Muduvuri – avo vanova zvakare mukuru wesangano remubatanidzwa wemachechi, reZimbabwe Amalgamated Council of Churches (ZACC) – vanoti vari kunamatira nyika ino kuti zvirango zveupfumi izvi zvibviswe.

“Vakatemera zvirango izvi vanotoratidza kuti vari pahondo nesu uye vanoda kuti vana veZimbabwe vatambudzike.

“MaSanctions haasi pamutemo uye anofanirwa kubviswa nekuchimbidza.

“Isu semakereke, tiri kuti ngatiise misoro pamwechete tinamatire nyika yedu kuti vakaisa masanctions acho vaabvise nekuchimbidza. Haana zvaari kuyamura kunze kwekushungurudza zvizvarwa zvemuno,” vanodaro Cde Muduvuri.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *