Vakakumurwa zvipfeko parufu

Sukoluhle Ndlovu

VAGARI vemubhuku raMkuze, kwaMambo Mkoka, kuGokwe South, svondo rapera vakasara vasina neremuromo zvichitevera nyaya yevanhukadzi vainge vari parufu ikoko avo vanonzi vakafuma vasina zvipfeko zvavo zvemukati.

Zvipfeko zvemukati izvi zvakazowanikwa zviri mumuti pedyo nepamusha paive nerufu.

Mambo Mkoka vanotsinhira nyaya iyi vachiti mashiripiti aya akasiya vagari vemudunhu ravo vasina nechekutaura.

“Paive nerufu pamba paTwoboy Ncube. Vavakidzani nevamwewo vanhu vakaenda kurufu urwu kunobata maoko nekunyaradza mhuri yainge yafirwa iyi.

“Zvinonzi pavakazomuka mangwanani, madzimai mazhinji vakaona kuti vainge vabviswa zvipfeko zvavo zvemukati apo vainge vakarara,” vanodaro Mambo Mkoka.

Vanoti zvipfeko izvi zvakazoowanikwa zvakaturikwa mumuti waive pedyo nemusha uyu apo madzimai aya vakazonzi vanongedzere zvipfeko zvavo.

“Vazhinji vavo vakakwanisa kutaura kuti icho chipfeko ndechangu asi vakatya kuzvitora sezvo vainge vave nepfungwa yekuti zvaigona kunge zvashandiswa munyaya dzine chekuita nehuroyi,” vanodaro Mambo Mkoka.

Chiitiko ichi hachisi chekutanga kuitika kuGokwe. Mugore ra2014 zvakamboitika zvakare kumisha yeChibarirwa nekuDemawatema, mudunhu reGokwe South.

Mugore iroro zvakare, mumwe murume anonzi Saviors Nyenyezwa waikoko akawanikwa aine mabhurukwa emadzimai 13 nenyoka yerudzi rwemhungu apo paiitwa chirongwa chekuchenura dunhu iri.

Mune chimwewo chiitiko ikoko, vanhukadzi vane chitsama vakamboshaya zvipfeko zvavo zvemukati izvo zvakazowanikwa zvakaita murwi pakati pesango asi akaita izvi haana kuzivikanwa.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *