Masvikiro akapemberera

MASANGANO anoita zvechivanhu nemusi weMuvhuro svondo rino akabatana nenyika nyose mukupemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere kweZimbabwe.

Kwayedza yakaita hurukuro naVaFriday Chisanyu, vanove mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Association (ZINPA), avo vanoti zuva iri rakakosha zvikuru.

“Tine mufaro uye misodzi pamatama nekurasikirwa kwatakaitwa nemagamba maviri anoti Cde Vivian Mwashita naCde Victoria Chitepo avo vakavigwa paNational Heores Acre muHarare. Asi panguva iyi tiri kuchema tiri kupemberera zvakare kuwana kuzvitonga kuzere kwatakaunzirwa nemagamba arere mumarinda akasiyana nevamwe vakatsakatikira mumasango.

“Takaita mapira munzvimbo dzakasiyana uko masvikiro nevamwe veruzhinji vaipemberera kubva nomusi wa16 kusvika 18 mwedzi uno. Doro remabira iri rakabikwa nechembere,” vanodaro VaChisanyu.

Vanoti sangano ravo rine nhengo dziri kumatunhu akasiyana uko kwakaitwa mapira ekupemberera kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

“Munguva yehutongi hwa(Ian) Smith hataikwanisa kuita mapira edu kana hun’anga hwedu takasununguka nekuti zvaitosungisa, tainzi taiitira vanhu ruzha. Asi nhasi uno tave kukwanisa kucherechedza chivanhu chedu pachena pasina anotifurusha. Ndizvo zvakatipa shungu yekuti tiite mapira aya kuti vanhu vawane mukana wekudya nekunwa vachifara vari pamwe chete,” vanodaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×