Kingstone Mapupu
PACHINYAKARE, chivanhu chaiti varimi vose vanokurudzirwa kuendesa mbeu dzavo dzezvirimwa zvakasiyana kumasvikiro mwaka wezhizha wave kuda kutanga nechinangwa chekuti dzinokomborerwa kuitira kuti zvavanozorima zvibereke vagowana goho guru.
Kana dai pakunge zvirimwa izvi zvaibva muminda, hapana aitenderwa kutanga kuzvidya zvisati zvasvitswa kumasvikiro.
Masvikiro ndiwo aitanga apihwa zvakaita semuriwo wemubowora nechibage chekutangisisa. Veruzhinji vaitozodya pashure. Kutyora tsika iyi kwainge kuri kupisira uko kwaikoka matambudziko nekuripiswa.
Hameno kana maitiro aya achiriko zvino.
Asi tsika idzi dzinonzi dzakabvira kare dzichitevedzwa nechinangwa chekuti nyika isapindwe nenzara, vanhu varime vachiguta.
Kwayedza, bepanhau rinobatanidza chinyakare nanhasi, rakaita ongororo yetsika idzi ndokunzwa zvakawanda.
Mambo Chundu, VaAbel Mbasera (42), vekuHurungwe, vanoti masvikiro anobatsira zvikuru pakupa matunhu akasiyana gwara rekurima. Vanoti kubva kare, masvikiro aibvunzwa kuti korimwa mbesa rudzii munzvimbo yavo zvichibatsira.
“Zhizha rave kuda kutanga, tinoenda kumadzitateguru nemasvikiro edu totaurirwa zvinodiwa. Tinoudzwa mbeu dzekurima sekuti mwaka uno musarime chakati, rimai chingava chibage kana zvimwe. Tinogara taziva kuti kune nzara kana kuti kwete,” vanodaro.
“Pane mimwe micherechedzo inoratidza maguta kana nzara sekuti ukaona huku dzichiita hukwana majongwe kana mombe dzichiberekwa hono, zvinoreva nzara. Izvi zvinoita kuti vanhu vagare vakagadzirira.”
Vanopa muenzaniso wekuzvarwa kwevakomana vakawanda pachinyakare vachiti zvaishura hondo. Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba, vanoti pachivanhu hakuna chinhu chinoitwa pasina kuropafadzwa nemidzimu.
Vanoti: “Kubva pasichigare, madzishe nemadzimambo vaizivisa vanhu vemumatunhu avo kuburikidza nemasabhuku kuti murimi woga-woga aunze tsanga dzembeu dzezvirimwa.
‘‘Zvose zvavaizoda kurima zvaiunganidzwa pamwe chete zvoendeswa kumasvikiro kana kuti kumakombwe, uko zvainokomborerwa nenzira dzechivanhu sechikumbiro kuna Musikavnhu kuti mwaka uzova nemaguta.” Vanoti tsika iyi yaiitirwa zvakare kuti zvirimwa zvigoibva zvakanaka pasina kana mhuka dzesango dzinozodya minda yavo kana tumwewo tumbuyu.
“Chokwadi munoona kuti minda yose inotanga mbeu idzi dzaendeswa kumasvikiro kana kumakombwe inoibva. Pachinyakare hakuna airega kuendesa mbeu dzake nekuti waitova mutemo waibva kumadzishe. Asi nhasi uno unonzwa vamwe vachiti havadaro, vanoendesa kuvakuru vemachechi avo,” vanodaro Sekuru Katerere.
Sekuru Elisha Mutanga (60), avo vanogara kuUshewokunze, muHarare, asi kumusha vachibva kwaMambo Musikavanhu, kuChipinge, vanotsinhira vachiti:
“Munhu wose kana aine gadziriro dzechinhu chose, angava mazamanishoni, rwendo naiko kurima, anoisa hwaro hwekusimbisa basa rake nekuzivisa vadzimu vake.
‘‘Saizvozvo kana mwaka wezhizha wave kukwana, varimi vanofanirwa kuendesa mbeu dzavo kumasvikiro kana kumakombwe ematunhu. Izvi zvinotoshevedzerwa nemadzishe kana madzimambo kana vamwe vatungamiri vematunhu. Mbeu dzaungana kudaro, masvikiro anotaura naNyadenga vachikumbira maguta nekuti zhizha mvura igonaya zvakanaka. “Ipapa ndipo panokumbirwa kuti mwaka ugova nemvura inokwanirana uye isina mheni inorova vanhu uyewo isina mhepo ine dutu kana mafashamu.”
Sekuru mutanga vanoti kupira mbeu kuvadzimu uku kunoitwa mwedzi waMbudzi usati wasvika.
“Nyaya yekukomborera mbeu iyi inoitwa mumwedzi waNyamavhuvhu naGunyana chete nekuti ikadarika zvinenge zvave kuyera kuteura muMbudzi. Zvisinei, mwedzi waGumiguru unonziwo hautaurwe zvakanakawo nevadzimu sezvo unoti chidimbu chekutanga zvinoitwa asi chidimbu chekupedzisira hazvichabvumidzwa,” vanodaro.
Vanoti mazuva ano kwave nemamwe maporofita anozviti anoropafadza mbeu.
Sekuru Mutanga vanotizve kuropafadzwa kwembeu kunozoitwa kwatanga kwaitwa mukwerera rinova doro rekukumbira mvura kuvadzimu.




