CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mugadzi anokumbira ruregerero achiti haachazozviiti zvakare. Ndipo panozoona Lily kuti nguva dzafamba regai achienda, Mugadzi akatoti zvaita kwava kunyepera kusuwa achiti asati aenda aida kumbomuratidza dzimwe dzeimba yavo. Izvi ndizvo zvavanobva vaita kwava kubatana mawoko vachipinda muimba yaanaSarudzai Mugadzi achitsanangura.
Vanozopinda mune yaMasimba, iyo Mugadzi anoti yaive yake. Vanozopinda mune dzimwewo asi mumba yekurara haapindi kwava kuti ndeyemukomana aimusevenzera ainge ambobvakacha. Lily anomboda kubvunza kuti sei aive aona kunge ambopinda mumba umu achisiya bhachi nguva dzavaive vasvika asi hameno chinozobata rurimi rwake.
Vava mumotokari kuperekedza Lily, musikana anobvunza Mugadzi kuti vana vake vari kupi iye ndokuti vana vake anovada chaizvo chero zvazvo amai vacho raive zibenzi. Ainge asiya vana kufirimu kuLiberty. Lily anoti achada kuvaona kuitira kuti vajairirane vasazomutya kana Mugadzi amuroora.
Lily anoyeuchidza Mugadzi kuti kana apedza kosi yake temu iyoyo, aida kuzochengeta vana vaMugadzi, izvo zvinopenengudza hana yaMugadzi sezvo Lily aive abuda oga pachena kuti aida vana wake.
Mugadzi ava munzira kudzokera, anofunga zvekutsaukira paMushandirapamwe kuti amboti dzvutei hwahwa asi anozopedzisira adhakwa. Anogona zvake kutyaira motokari asi pane zvaasingazivi. Izvi zvaive zvokuti zvose zvavaive vaswera vachiita naLily zvaive zvatonyorwa mupepa nemupepeti wenhau amai Chipunza.
ONGORORO:
Tinodzidza nezvetsika nemaitiro evanhu. Tinotanga kunzwa nezvemujaya anonzi Masimba. Uyu munhu anofara zvose nekufarirwa nemamwe majaya sezvatinonzwa nemazwi akaponora aya: “Masimba aiva mukomana aigara zino riri pachena nguva zhinji” (42). Tinozodzidzawo maererano nevanhu vemumaindasitiri avo vainzi “vaiziva hasha” (44) dzake iye Mugadzi.
Iyo nyaya yerudo iyi, yakati omei. Izvi zvinobetsera kuyanikwa pachena nekushandiswa kunoitwa enzaniso. Apo Mugadzi anoenda kumusika kunomirira chibayamoyo chake, apo anoti maziso ake bamhama kuchiona, murume mukuru akatamba “kunge katsi yatsika zvidhina zvinopisa” (50) kuri kusagadzikana nekuona chibayamwoyo chake.
Paanopinza Lily mumba make, mune kapeti ine utefetefe zvekuti pavaifamba pamusoro payo vaiita “kunge vachanyura” (51). Lily apo aiona zvinhu zvainge zviri mumba maMugadzi akapedzisira ava kuzviona “semunhu airota” (51).
Apo Mugadzi akamuti atore chigaro aitoita “senge aimuyeuchidza chinhu chaaive akanganwa kuita” (51). Kuzoti pakugadzirira zvokudya aive omhanya-mhanya “kunge mubiki wemuhotera chaimo” (51).
Hapazoti pakutsvodana apa, miromo yavo yainge yanamatidzwa nenamo” (52). Mugadzi paanoda kubvisa mbatya dzake dzemukati, Lily anosvetuka “kunge munhu anga ararira nyoka” (52).
(Enderero mberi svondo rinotevera.)



